Dare rePamusorosoro muMozambique Rinoti VaChapo veBato reFRELIMO Ndivo Vakakunda muSarudzo yeMutungamiri weNyika

  • Jonga Kandemiiri

VaDaniel Chapo vebato reFrelimo

Dare repamusororosororo muMozambique reConstitutional Council, razivisa kuti mutungamiri webato riri kutonga munyika iyi reFRELIMO, VaDaniel Chapo, ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika yakaitwa musi waGumiguru 9.

Mutungamiri wedare iri, Amai Lúcia Ribeiro, vazivisa kuti VaChapo vakawana mavhoti zvikamu makumi matanhatu nezvishanu zvine zviga gumi nezvinomwe kubva muzana, kana kuti 65.17 percent, vachiteverwa naVaVenancio Mondlane vebato rinopikisa reOptimist Party for The Development of Mozambique, avo vakawana mavhoti zvikamu makumi maviri nezvina zvine zviga gumi nezvipfumbamwe kubva muzana, kana kuti 24.19 percent.

VaMondlane nebato ravo vari kuramba kutambira zvakabuda musarudzo idzi vachiti dzakabirwa zvemhando yepamusoro.

Munyika iyi manga muine kuratidzira kune mhirizhonga kwaurayisa vanhu vanodarika zana negumi, vanopikisa vachiramba kutambira zvakabuda musarudzo idzi.

VaChapo vakambenge vanzi vawana mavhoti zvikamu makumi manomwe kubva muzana, 70 percent, asi mavhoti aya aderedzwa nezvikamu zvishanu kubva muzana.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachitaura vakazvimirira, VaJoy Mabenge vanoti panga pasina tarisiro yekuti mabudiro aita angazosiyana neakambenge akataurwa ekuti VaChapo ndivo vakakunda musarudzo idzi.

“Saka panga pasina tarisiro yekuti pangamuka pachinzi VaMondlane ndivo vahwinha nekuti Constitutional Councilyanga ichatongomira nepayakamira ipapo pekuti VaChapo ndivo vakange vakunda musarudzo idzi.”

Panyaya yekuti mavhoti aVaChapo adzikira nezvikamu zvishanu kubva muzana pane akamboziviswa mushure mesarudzo, VaMabenge vanoti, “Chiri kukatyamadza ndechekuti mukudonongodza kwavo, mavhoti aVaChapo anowanika achidonha pasina tsanangudzo inogutsa kuti chii chakambonyatsokuitika. Izvozvo zvega zvakakwana kuti vanhu vati sarudzo hadzina kufambiswa nemazvo,”

Mushure mekuziviswa kwezvakabuda musarudzo, vatsigiri vaVaMondlane vanonzi vapinde zvakare mumigwagwa yeguta guru renyika iyi reMaputo vachiratidzira vachipisa matayi edzimotokari matsaru nekuvhara migwagwa.

VaMondlane vanonzi vayambira kuti vatsigiri vavo vacharatidzira neChishanu zvinogona kukanganisa nyika yose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJoy Mabenge