Vakawanda munyika vanoti 2024 igore range risina kumira zvakanaka sezvo bato reZanu PF raitonga nedemo ukuwo bato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change (CCC) rakaparara mushure mekunge mutungamiriri waro, VaNelson Chamisa, vabuda mubato iri vachiti Zanu PF yainge yapindira mubato iri ichishandisa vamwe vakaita sevanozviti ndivo munyori webato iri, VaSengezo Tshabangu.
Nhengo dzakawanda dzeCCC, dzakadzingwa mumakunzuru neparamende naVaTshabangu uye kubvira pasiya VaChamisa pave nezvikwata zveCCC zvakawanda.
MuZanu PF zvinhu hazvinawo kumira zvakanaka sezvo muine kupokana kukuru panyaya yekuti mutungamiri webato iri nenyika, VaEmmerson Mnangagwa, voramba vari pachigaro here pachapera temu yavo muna 2028.
Kunyange hazvo VaMnangagwa pachavo vachiti vachatevedza mutemo, pane vamwe mubato ravo vari kuti ngavarambe vari panyanga.
Vakawanda vakataura neStudio 7 vakaita semumwe mugari wemuHarare, VaJerry Chizunza, vanoti kusagadzikana kwezvinhu mumapato makuru aya kwavasiya vasina tariro.
“Hatichaziva kuti tine bato rinopikisa here. Mubato racccho riri kutonga vari kungorwisana, murikuita vanhu vakawanda vari kuba, varikupomerana mhosva. Hatisisina hutungamiriri hwakakwana. Saka ndiri kuti 2024 rapera rigore rine iri kungotngwa zvisina tsarukano.”
Mumwe mugari wemuHarare, VaGarnet Moyo, vanoti zviri kuitika izvi zvinoratidza kuti vatungamiriri vemapato aya vanokoshesa zvigaro kwete vanhu vavanotungamirira.
Vanoongorora zvematongerwo enyika zvakare vari mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vaudza Studio 7 kuti zvese zviri kuitika muCCC neZanu PF makakatanwa ezvigaro asineyi neveruzhinji.
“Vanhu vanoita zvematongerwo enyika vanenge vakanyanya kutarisana nemasimba nekuti vomachengeta sei. Nekuti vopinda sei maari pakuti vataririsane nemagarire evanhu, kuti hupenyu hwevanhu hwagadziriswa here, kuti zvehupfumi hwenyika zvagadziriswa here kuti vanhu veZimbabwe vawane chouviri.
Vanoongorora zvematomgerwo enyika vachidzisa paAfrica University, Doctor Wellington Gadzikawa, vaudza Studio 7 kuti makakatanwa muZanu PF akaipa nekuti ave kutodzorera basa rehurumende kumashure vachiti zvakakosha kuti bumbiro remitemo ritevedzwe.
“Chido chebato iri, haiwa chido chavo asi hachifaniri kuiswa pamusoro penyika nekuti nyika ihombe kudarika bato, inyaka ine vanhu vakawanda.Vanhu vanotovhotera mapato vashomashoma pane vanhu vakazara munyika vanoda kuti zvinhu zvifamba zvakanaka.”
Zimbabwe yakaita musangano weSADC uyo unonzi nenhengo yeCCC, VaMorgan Gonhi, wakaburitsa pachena kuti hurumende haiitevedze mitemo sezvo ivo nevamwe vavo vanodarika makumi masere vakasungwa vachipomerwa mhosva yekuronga kuvhiringa musangano uyu nekukonzera mhirizhonga.
“Hazvina kundifadza nekuti ndakagara mujeri kwemwedzi mishanu ndisina kana mhosva.”
Kusungwa kwaVaGonhi nevamwe kusanganisira VaJameson Timba veCCC, kwakashorwa zvikuru nemasangano pamwe nenyika dzakawanda dzakaita seUnited States, European Union neUnited Nations.
VaGadzikwa vanoti zvakaitika kuna VaGonhi naVaTimba zvinogona kuitika kumunhu wese zvake munyika.
“Zvinhu zvinotyisa nekuti vanhu vave kutya kuti ungona kungosanobatwa uchinzi wanga uchida kuita mhosva yakati wozonzi aah tazoona kuti mhosva iya hauna kuzoita wobva wangoregedzwa. Isu toziva kuti munhu anotanga apara mhosva obatwa otongwa nemhosva yake.”
Gore rino paramende yakapasawo bhiri rePrivate Voluntary Organisations Amendment Bill.
Mukuru wesangano rePlaform for Youth and Community Development, VaClaris Madhuku, vaudza Studio 7 kuti kusungwa kwevanhu nekupasa mitemo yakaita sePVO Amendmemt Bill ndezvimwe zvakavhiringa hurongwa hwehurumende yaVaMnangagwa hwekunatsurudza hukama hwayo nenyika dzepasi rese dzakaita seAmerica.
“Taakutarisa nyaya yePVO Amendment Bill, America ndoimwa nyika iri kushoropodza kuti kudzika mutemo uyu zvakangpofanana nekudzvinyirira nekuratidza kuti VaMnangagwwa havakwanise kutonga vaine masangano anoshanda akazvimirira anenge achiona kuti zvinhu zviri kufamba sei.”
Mutauriri wechikwata cheCCC chinotungamirirwa, naVaTimba, VaPromise Mkwananzi, vanoti gore rino range rakaipa zvikuru sezvo pakave nekusungwa nekushungurudzwa kwevatungamiriri nenhengo dzebato ravo zvakanyanya.
Vati chinosuwisa ndechekuti VaMnangagwa vave kuronga kutyora bumbiro remitemo kuitira kuti varambe vachitonga nedemo.
“Tave kutokurudzira veruzhinji nyika yese kuti vajamuke kuti hakuna zvakadaro.”
Asi mushandi mukuru mubazi rekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira ,vati bato ravo rakabatana nekushanda nevanhu zvakanaka muna 2024 uye vanofara nehutungamiriri hwaVaMnangagwa.
“Gore rino rakationa tichienda kumusangano wedu wekupera kwegore tichinotsinhira pazvisungo zvedu kuti tinoda kuti VaMnangagwa vatonge kusvika muna 2030.”
Panyaya yekuti hurumende yeZanu PF yakashungurudza vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu zvakanyanya zvikuru sei pamberi pemusangano weSADC, VaMarapira vati mutemo mutemo uye munhu wese anofanira kuute,vedza zvisinei nekuti pari kuuya vaenzi here kana kuti kwete.
Your browser doesn’t support HTML5