Apo Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika kupemberera zuva reKisimusi, vamwe vataura neStudio 7 vanoti kunyange mamwe maKisimusi emakore adarika aive akaoma, vanoti yegore rino vaoona seyakanyanyisa kudarika dzose. Asiwo, kune vamwe vari kuti Kisimusi yegore rino huchi chaihwo kudarika dzimwe.
Mukomana abva zera, VaTatenda Mutemeri, vanogara kuGlen Norah muguta reHarare, ndemumwe weavo vanoti Kisimusi yegore rino haisi kuvafadza sezvavanga vachitarisira sezvo vasina mari yekushandisa nhasi.
“Nyaya iripo ndeyekuti mari ndiyo inoita kuti zvinhu zviite, saka kana ndakadaiso, hapana chandiri kuita. Kutongogara ndichingoona vamwe vachiita zvavanenge vachiita. Hakuna Kisimusi yakafanana neyegore rino.”
Havasi Mukoma Tatenda vega vanoti zvinhu zvakaminama, sezvo Amai Gracious Mugadza vemuHarare zvekare, vachitiwo ivo vazongorwisa kuti vaone kuti vana vafare pazuva iri, sezvo mari yekufadza mhuri yese panga pasina.
“Isu sevanhu vakuru tinenge tava kungoita sekuti zuva ranhasi rakangofanana nemamwe. Vana vanoziva nezvaro ndivo vatichaendesa kunotamba kunzvimbo dzekuti vanhu vavarairwe. Zvegore rino, kana tichitarisa mamwe makore, zvakaoma.”
Asi VaTapiwa Nhengu, wechidiki anoenda kubasa, vanoti Kisimusi iri kuvafambira zvakanaka sezvo vari kukwanisa kutenga zvekudya nezvekunwa zvavanoda.
“Zvichida nekuti ini ndinombobata kamari sezvo ndichienda kubasa, ndiko saka ndiri kuona Kisimusi yakandinakira. Asiwo anoti yakamuomera, ndinomunzwisisa sezvo zvinhu zvakaoma kunze uko. Asi ini ndakazvimirira, yakandinakira chose.”
Kunyange hazvo kuine vamwe vari kuti zvinhu zvakavaomera, muguta reHarare vanhu vanga vari munzvimbo dzekufarira vachipemberera zuva reKisimusi iri, kunyange hazvo vazombokanganiswa nemvura, iyo yanga ichiti ikanaya yombomira kunyange hazvo izvi zvisina kudzivisa mafaro avo.
Kuzviteshi zvemabhazi zvakafanana nekuRoad Port nepaMbare Musika, vanhu vanga vachida kukwira mabhazi anoenda kwakasiyana-siyana vanga vachiri vakawandawo chose vachiedza kubata zvekufambisa kuti vazonopedzera zuva iri vari kune hama nevadiwa vavo.
Ongororo yaitwa neStudio 7 yaratidzawo kuti varidzi vemabhazi nemakombi vaita mari zvikuru panguva yeKisimusi ino, sezvo vanga vachinzi vari kubhadharisa vanhu mari dzinogona kunge dzakapetwa kazana kubva muzana pane dzavanosimbobhadharisa.
Havasi vemabhazi chete vaite mari nhasi sezvo mumwe murume anogera misoro asina kuda kudomwa nezita anga atori pabasa nhasi achiti achazonotamba hake Kisimusi kana amboisa mari muhomwe.
“Ndingati kubva nezuro kusvika nhasi, basa ranga riri nani chose sezvo vanhu vakawanda vanga vachiuya kuzogerwa. Saka tomboita zvebasa titore mari, tozoenda kunofara kana tabva pabasa.”
Vamwewo amai vechikuru vemuHighfield muHarare, vanozivikanwa saMai Nhenhe, vaudzawo Studio 7 kuti nekuda kwekushomeka kwemari gore rino vaona zvakanaka kuti vachengete mari shoma yavanayo kuti vazobhadharira vana mari dzezvikoro gore rinouya pane kuiisa pamupinyi nhasi.
“Isu tinomboenda kumusha panguva yeKisimusi ino, asi apa zvaramba nekuti hakuna mari kunze uku. Chimwe ndechekuti takutochengeta mari yekuzvikoro yegore rinouya. Hazvina zvazvinozotibatsira kuti mwana ozodzingwa chikoro nekuda kwekusabhadhara mari, asi isu takadya zvinonaka paKisimusi.”
Kune dzimwe nzvimbo dzavhakachirwa neStudio 7, vanhu vanga vachigocha mhando dzakasinayasiyana dzenyama, ukuwo vanonwa zvinodhaka vachidzvuta mukombe, mimhanzi iri sarura ude, vanhu vachiita sevachatyoka zviuno nemakumbo nekutamba.
Havasi vagari vemuHarare chete vari kuti zvinhu zvakavaomera. Vamwe muGwanda kuMatabeleland South vataura neStudio 7 vati vaswera vachiita zvavo mabasa avo emazuva ose sezvo zvinhu zvakavaomera.
Asi mukufara imomu, mapurisa eZimbabwe Republic Police ayambira veruzhinji kuti vachengetedze hupenyu nemidziyo yavo uyezve kuti vasafarise kudarikidza mwero.
Mapurisa ari kuyambirawo vatyairi vemabhazi nedzimotokari kuti vachengetedze mitemo yemumigwagwa.
Your browser doesn’t support HTML5