Kubva nemusi weChina svondo rapera miganhu yekupinda munyika inoti Plumtree, Beitbridge, Nyamapanda neForbes yanga yiine mitsetse mirefu kwazvo yezvese motokari nevanhu uye yainonoka kufamba zvakanyanya zvekuti vanhu vaitora maawa ari pakati pematatu kusvika kumasere vakamirira kuti vadhindirwe magwaro avo ekufambisa pamiganhu iyi.
Mumwe wevanhau vaiedza kupinda muZimbabwe vachibva Botswana nezuro ndiMuzvare Thandiwe Sheleni avo vakaudza Studio 7 vari pamuganho weBotswana neZimbabwe weRamokgwebana kuti zuva rakavakanga zvinonzwisa tsitsi pavaive vari mumutsetse.
“Tava nenguva tauya pano apa. Mushandi wepamuganho ari kubatsira mumwe apa vanhu vakawandisa. Toitambira munzira Kirisimusi yegore rino.”
Mutungamiri wesangano revanotenga nekutengesa vachiyambuka miganhu, reInternational Cross Border Traders’ Association of Zimbabwe, VaDenis Juru, vakatiwo zvakanga zviri zvimwechete pamiganho veZimbabwe neSouth Africa weBeitbridge nemuganhu weZimbabwe neMozambique weForbes kusvika neChipiri masikati.
“Mabhodha anga ari bhizi zvakanyanya. Asi bhodha reBeitbridge ranga riri bhizi kusvikira masikati anhasi uno. Tichitarisa pazambuko reForbes, hapachisina chiripo zvakare. Aripowo magonyeti apo neapo.”
Maneja wemabhazi ekambani yeMangongongo Tours, ayo anofamba pakati peFrancistown kuBotswana neHarare, Va Cliford Dewa, vanoti mitsetse mirefu pamuganhu wePlumtree yakavatadzisa kuita mari yakawanda munuga ino yezororo regore rino.
VaDewa vakaenderera mberi vachiti nekuwanda kwakanga kwakaita vanhu vaienda kumusha gore rino, dai paisava nedambudziko rekunonoka kufamba kwemitsetse vangadai vakaita nzendo dzakawanda dzaikwanisa kuti kambani yavo ibate mari inosvika zviuru makumi matanhatu zvemadhora ekuAmerica pazuva.
Asi izvi hazvina kukwanisika sezvo mabhazi avo mashanu akanga achitora nguva yakareba akamirira kubatsirwa nevashandi vepamiganho, izvo vanoti zvakaita kuti kambani yavo iite mari iri pasi pezviuru makumi matatu zvemadhora ekuAmerica pazuva.
“Mitsetse pabhodha reRampkgwebana nePlutmree, ndiyo yanga yakakurisa, mabhazi nemota diki zvakangosangana. Zvinhu zvakatikanganisa izvozvo kuti mabhazi asafambe achinodzoka nenguva.”
Asi VaHerbet Manunure, avo vanogara muguta reWindhoek muNamibia vachibva kwaMarange kuManicaland, vakati vaive chivimbo chekuti vaisvika chete kumusha kwavo nezuro wakare.
Izvi zvinotevera kutorwa kwedanho rekusavharwa kwebhodha rePlumtree nebazi rinoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu mushure mekutaurirana nevamwe vavo wemuBotswana.
“Hapana zviri kunyanya kunetsa, kungoti chete vanhu ndivo vakawanda zvavo. Tiri kutosvika nhasi tigodya Kirisimusi navo paHarare apo.”
Studio7 yakundikana kunzwa kubazi rinoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika kuti tinzwe kuti vanhu vangani vapfuura nepamiganhu yekupinda munyika kusvika pari zvino.
Asi mukuru webazi rinoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu pamuganho weRampkgwebana kudivi reBotswana, VaMosele Mosele, vati vanhu zviuru makumi mashanu nemazana matanhatu ane makumi mashanu nevashanu, kana kuti 60, 655 vakabuda munyika yeBotswana kubva nemusi weChina svondo rapera kusvika nezuro mangwanani.
Vati vachiri kusangana nedambudziko rezvizvarwa zveZimbabwe zvinopinda muBotswana zvisina mvumo vachiti vanhu mazana mana vane gumi nevaviri kana kuti 412 vakasungwa ndokubhadhariswa mari isingadariki chiuru chimwe chete cheBotswana Pula vachiyambira kuti kupinda munyika iyi zvisiri pamutemo imhosva.
“Kana takatarisa matambudziko atange tichisangano nawo, kune zvizvarwa zveZimbabwe zvichine netsika yekupinda nekubuda muBotswana pamwe nekugara zvisiri pamutemo.”
Mumwe mukuru mubazi rinoona nezvemitero muBotswana, reBotswana Unified Revenue Services, kana kuti BURS pamuganho weRamokgwebana, VaService Chipo, vanoti motokari dzaibva South Africa dzakananga kuZimbabwe dzakashandisa muganho uyu rwendo rwuno dzanga dzakawanda zvikuru.
“Motokari zviuru zvishanu nemazana mana ane gumi nenomwe dzakashandisa muganho wedu weRamokgwebana mumazuva matanhatu apfuura. Mumazuva matanhatu apfuura aya, motokari zhinji dzaibva South Africa dzakananga Zimbabwe.”
Vanoongorora nezvekugara zvakanaka kwevanhu uye vari mukuru wezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, kana kuti ZimJustice, VaTendai Ruben Mbofana, vanoti mitsetse mirefu iri pamiganhu inoratidza kuti ruzhinji rwakatiza nzara yadai kupfunya chisero munyika rwuchienda kunze kwenyika kunotsvaga mafuro manyoro.
“Zvatiri kuona paKirisimusi apa zvekuti mabhodha anozara nevanhu vachibva kunyika dzakaita saana South Africa dzakavakidzana nesu naana Botswana kuita mavhu nemarara ipapo, zvinoratidza kuwanda kwevanhu wemuZimbabwe vakatiza nyaika yavo nepamusaka penhamo.”
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinofungidzirwa kuti zviri pakati pemamiriyoni mana nemamiriyoni manomwe, muSouth Africa chete muine vanhu vanodarika miriyoni imwechete nezviuru mazana maviri.
Your browser doesn’t support HTML5