Apo gore ra2024 rave kusvika kumagumo, mamwe madzimai anoti makore gumi nerimwe mushure mekuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika kuti ripe mikana yakaenzana pakati pevanhurume nevanhukadzi, izvi zvichiri zviroto munyaya dzezvematongerwo enyika.
Sachigaro veWomen’s Coalition in Zimbabwe, (WCOZ) Amai Mucha Mukamuri vanoti sesangano rinorwira kodzero dzemadzimai munyika vanhukadzi vachiri kutarisirwa pasi.
“Hatisi kufara tichiona vanhukadzi vari vashoma muparamemde, muPresidium musina. Tinenge tichishuvira kuti Zimbabwe zvayakaisa runyoro ikagadzira bumbiro remitemo rinoenzanisa mikana pakati pevanhukadzi nevanhurume izvizadzise nekuona kuti muPresidium muitewo munhukadzi kana mumwechetewo zvake.
"Matambudziko aripo ndeekuti munyika yedu vazhinji vanoonera vanhukadzi pasi, havaone vanhukadzi vakaenzana nevanhurume kana zvichitariswa kumabasa nekuda kwemakuriro nemarerwo akaitwa. Vana baba vagara ndivo vatungamiri kana vohoona madzimai otungamira hazvivafadzi, madzimai haanawo mari dzekukwikwidza kuti vazadzikise mutemo wekukwikwidza zvinozoita madzimai ave mashoma," Amai Mukamuri vanodaro.
Amai Mukamuri vanoti panogadzirirwa zvekuvhota dzimwe nzvimbo zhinji dzinenge dzine mhirizhonga nekuvhundutsira zvinoita kuti madzimai azotya kupinda pazvinzimbo izvi.
Mutungamiriri werimwe bato rinopikisa reLabour, Economists and African Democrats, Muzvare Linda Masarira vanoti zvinosuwisa kuti rimwe gore rave kupetwa zvakare pasina chevanhukadzi munyika.
“Tinoona zvakare mapoka mazhinji asiri kukoshesa mutemo iwowo tichitangira kubva kuhurumende yenyika ino. Paramende yacho haina kana kuenzanisa maMP echikadzi nema MP echirume. Tichitarisa zvakare kumakanzuru edu haana kuenzanisa mukana pakati pemakanzura echikadzi nemakanzura echirume.
"Tichitarisa zvakare kungava kumabasa mazhinji, mikana haisi kuwanikwa yakaenzana pakati pevanhukadzi nevanhurume. Tichitatarisa zvakare munharaunda matinobva, mungave munzvimbo dzakasiyana siyana dzemasoshari tinoona zvakare mikana isina kuenzana sezvakatarwa pamutemo wedu wemuno muZimbabwe,” vanodaro Muzvare Masarira.
Muzvare Masarira vanoti kugadzirisa dambudziko iri madzimai anofanirwa kubatana oshanda pamwechete.
“Tichienda kumberi zvakatikoshera semadzimai kuti titange kutaura nenzwi rimwe chete kuti tinodawo zvakare mudzimai umwe chete pavatevedziri vemutungamiri wenyika ino sekutarwa kwazvakaita zvakare mukati mebumbiro redu remutemo. Zvakatikoshera sevanhukadzi kuti tiwanikwe tirimo muzvigaro kukanzuru, tirimo muzvigaro muparamendi kuti tigone kunosunda mitemo inoita kuti kurarama kwedu kuve kuri nani pane zvakuri izvezvi."
Vanoti izvi zvinokwaniswa kuitwa kana madzimai achinge akawanda mukati menzvimbo inogadzirwa mitemo iyoyo, vachiti vanogara vachirangaridza veruzhinji kuti dai madzimai mazhinji ari makanzura havafunge kutimadzimai angadai aine matambudziko emvura aanosangana nawo zuva nezuva kana matambudziko ekutadza kurapwa muzvipatara muchinzi hamuna mishonga nekuti madzimai anongoda zvinhu zvakarongeka.
Mumwezve mudzimai ari mune zvematongerwo enyika uye vari kanzura muguta reHarare vakapinda vakazvimirira, Muzvare Kudzai Kadzombe vanoti kunyangwe pava nemakore akawanda bumbiro remitemo yenyika rawandudzwa, nyaya yekuenzaniswa kwemikana haisi kuzadzikiswa.
“Bumbiro remutemo wedu renyika rinoti zvigaro zvese zvinofanirwa kunge zvine 50/50 zvichiratidzawo madzimai nevarume. Asi tinoona izvi zvisiri zviri kuitika. Tikaona nzvimbo dzikuru munyika unoona kwakazara varume zvakanyanyisa. Modzika muchienda chero kumakambani munoona futi kwakazara varume vanenge varimo vari ivovo vakuru vakuru.
"Tikahoendawo kune zvematongerwo enyika munoona vatungamiri venyika vari varume, woonawo mamwe maminister ari varume, wozonawo vamwe vakadzi ma deputy minister ndiko kwavanozokandwa.
"Izvi zvinenge zvisina kunaka nenyaya yekuti madzimai vanenge vakashinga kubudikira kuti vapinde mune zvematongerwo enyikavanenge vari ivo vanenge vachizokurudzirawo vasikana nevakadzi vechidiki kuti vakwanisewo kupinda munyaya idzodzi nekuti dzinotyisa vanhu vakawanda. Madzimai anopedzisira akutarisirwa pasi nevamwe vemunharaunda nemhuri dzavo kwavakaroorwa, kumakereke kumabasa.”
Muzvare Kadzombe vanotiwo kushaikwa kwezvikwanisiro ndiko kumwe kunodzikisira madzimai pasi munyaya dzezvematongerwo enyika.
“Madzimai akawanda zvekuti utange kupinda mumatongerwo enyika zvinoda mari, zvinoda kuti uve nevaunenge uchizivawo vanenge vanewo simbawo pakuti vakubatsire kuti uite basa rako, izvi zvinooneka madzimai vasina mukana iwowo. Vakada kuenda kunotora zvikwereti kumabhanga, munoona vamabhanga vanenge vachitaura kuti tiri kudawo maTtle Deeds emba, tiri kudawo ma bank statement anoratidza kuti mune mari dzamanga muchimbosevenza, dzamanga muchichengeta. Izvi mukazvitarisa munoona madzimai akawanda vasina,” vanodaro Muzvare Kadzombe.
Asi mukuru muhofisi inoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaFarai Marapira, vanoti bato ravo riri kupa madzimai mikana yekutungamira zvisineyi nekuti muzvigaro zvitatu zvikuru munyika hamuna munhukadzi.
“Pari zvino sebato hongu hatina mudzimai ari muPresidium asi kubato kwedu tina mai Muchinguri vanova ivo national chair weparty asi tikatarisa chero muhurumende imomo takatarisa kuna ivo mai Muchinguri ndivo Minister of Defence rinova nhanho rehurumende rakakosha zvikuru. Izvi zvinotaridza kuti hurumende yaVaMNangangwa inokushesa madzimai nekupa zvigaro. Mukatarisa kuti nyika dzese dzakufambiswa neyatinoti ICT kunova iyo kunzwisisa nekufambisa zvidzidzo zvema computer.
"Munoona kuti tina comrade Mavetera varikuva ivo Minister ikoko zvinoratidza kuti isu tine madzimai atiri kusimudza. Mukatarisa Bulawayo Province minister weState mudzimai. Mashonaland Central minister of state mudzimai kuratidza kuti isu sebato reZanu PF tiri kuramba tichisimudzira madzimai zvekuti kusavapo kwemudzimai mupresidium haisi nhau yekutsikirirwa kwemadzimai asi kuti ingori nhau yekuti ndizvo zvinenge zviripo panguva iyoyo.”
VaMarapira vanoti dambudziko guru rinodzosera madzimai shure munyaya dzezvematongerwo enyika kushoropodzwa nekutukwa pamasai-sai.
“Chinodzora madzimai shure tinoona kutukwa, kutsoropodzwa nekusaremekedzwa nekusaona sekuti mudzimai haagone kushandira chimwe chigaro kana kushuvira kuita chimwe chinhu akachikwanisa nekugona kwake nenjere dzake. Tinoda kuti tiite sekuti madzimai kuti asvike paasvika vanofanira kunge vaita zvinhu zvisina kutsarukana kuti vasvike panzvimbo idzodzo. Izvi zvinhu zvakaipa nekuti zvichirimo mukati medu semhuri yeZimbabwe.
"Kuti isu panekuti tisumudzire madzimai tinenge tichimatsikirira.Tinoona madzimai akawanda achitukwa vachitsoropodzwa. Vanhu vanenge vane dzimhuri dzavo saka madzimai mazhinji anotya kuti awanikwe achipinda mukati mune zvematongerwo enyika nenhau yekuti munowanikwa vamwe vanenge vachitsoropodzasenge vanhu vakaenda kuX vanoona kuti mapato anopikisa anogara ane nhau yekutukirira neku tsoropodza madzimai avanenge vachiti vari kufamba nemafungiro avasinga wirirane nawo,” vanodaro vaMarapira.
Bumbiro remitemo yenyika kunyanya Chikamu 56 rinokurudzira kuenzaniswa kwemikana muzvigaro kuti vanhukadzi nevanhurume kana kuti 50/50. Mamwe madzimai munyika anoti arasa tariro yekuti izvi zvichakwanisika.
Your browser doesn’t support HTML5