Nhengo dzeMasangano eVatyairi veMagonyeti muSADC Dzoronga Kuratidzira paMuganhu weKazungula kuZambia

  • Jonga Kandemiiri

Vatyairi ava vari kunyunyuta nemitemo yavanoti yakaiswa nehurumende yeZambia inovaomesera.

Nhengo dzemasangano manomwe evatyairi vemagonyeti anoyambuka miganhu mudunhu rekuchamhembe kweAfrica dzinonzi dziri kuronga kuungana dzichiratidzira dziri pamuganhu weZambia weKazungula kubva neMuvhuro unouya.

Munyori mukuru werimwe remasangano anomirira vatyairi vemagonyeti kuchamhembe kweAfrica, reUnited Truck Drivers Association, VaFidelis Mukarati, vanoti vatora danho iri senzira yekuratidza kunyunyuta kwavo nemitemo yekupinda nekubuda muZambia yakadzikwa nehurumende yavanoti iri kuomesera vatyairi vanobva kune dzimwe nyika.

Vatyairi vanonzi vanopiwa mazuva makumi manomwe ekupinda nekubuda munyika iyi pagore asi kana akapera vanozomanikidzwa kutira magwato anonzi Transit Visa ayo anobhadharwa mari dzavanoti dziri pamusoro kwazvo dzinosvika kuzviuru gumi nezvishanu zvemaKwacha emuZambia.

Vanoti pave nenguva vachiedza kugara pasi nehurumende kuti vatsvage nzira dzekugadzirisa dambudziko iri asi havasi kuteererwa.

Masangano ane nhengo dziri kutarisirwa kuratidzira kusvika zvinhu zvagadziriswa anoti reProfessional Drivers Union of Malawi, United Truck Drivers' Association, Truck Drivers' Union, Zimbabwe Truck Driver Trade Union, Associacao De Camionista de Mocambique, United Southern Africa Truckers Association neZIM-Namibia-Zambia Corridor Drivers.

Hatina kukwanisa kubata vebazi rinoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu muZambia kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFidelis Mukarati