Mutungamiri wenyika vari zvakare sachigaro vesangano reSADC, VaEmmerson Mnangagwa, nezuro vakati sangano ravo rakazvipira munyaya dzerunyararo nebudiriro.
Vachitaura pagungano rekunamatira nyika re National Thanksgiving and Dedication Service rakaitwa nezuro muBulawayo richitungamirwa nevemamwe makereke emunyika, VaMnangagwa vakati vanotenda Jehovah Mwari kuti SADC yavo yakabatana muchisungo chekuunza, runyararo nebudiriro kuvanhu vose.
Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University muSouth Africa, Muzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza, vanoti kunyange hazvo dunhu rekuchamhembe kweAfrica rakanyarara kana zvichienzaniswa nemamwe matunhu emuAfrica, akaita sekumawirira nemukamabvazuva, izvi hazvina kukonzerwa neSADC.
Muzvinafundo Mukonza vanoti sangano remubatanidzwa wenyika dzemudunhu rekuchamhembe kweAfrica iri harina zvariri kuita kudzimura moto inenge ichibvira munyika dzakaita seMozambique neDemocratic Republic of Congo dzavanoti sangno reSADC ratadza kudzimura moto wemhirizhonga nehondo zviri kubvira imomo.
Vanotiwo zvinonetsa kuti VaMnangagwa vagadzirise dzimwe nyaya dziri kunetsa muSADC dzakaita sedzehutongo hwejekerere pamwe nedzihurumende dziri kutyora kodzero dzevanhu vadzo sezvo ivo hurumende yavo ichi pomerwawo mhosva dzekubira sarudzo nekutyora kodzero dzevanhu.
Your browser doesn’t support HTML5