Hurumende inonzi yabvisa mutongo werufu kubva mubumbiro remitemo yenyika zvichitevera kusainwa kwakairwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson mnangagwa bhiri rekuvandudza mutemo uyu reDeath Penalty Abolition Bill, kuti uchive mutemo.
Danho iri rave kureva kuti hakuchina munhu achatongerwa rufu kana akapara mhosva yekuuraya kana kuponda mumwe munhu, uye zvave kurevawo kuti vasungwa vose vakanga vakatongerwa rufu vari mumajeri emunyika vave kubvisirwa mitongo iyi vachipiwa mitsva.
Asi pane chikamu chemutemo mutsva uyu cheDefence Act icho chinopa masimba ekumbodzoswa kwemutongo werufu uyu kwenguva pfupi, kana kuti state of emergency.
Sangano reAmnesty International muZimbabwe rapembedza danho ratorwa nehurumende iri asi richishoropodza chikamu chekuti mutongo uyu unogona kuzombodzoswa woshanda kwenguva pfupi.
Mugwaro ravaburitsa, mukuru weAmnesty International Zimbabwe, Amai Lucia Masuka, vati kuburikidza nekuita kuti bhiri rekubvisa mutongo werufu rive mutemo, Zimbabwe yatora danho guru kwazvo mukuita kuti mitemo yayo ifambidzane nemitemo yepasi rose inochengetedza kodzero dzevanhu.
Vati danho iri rinoburitsawo pachena kukosha kwekuchengetedza kodzero yehupenyu nechiremera chemunhu.
Amai Masuka vakurudzira hurumende kuti ikasike kubvisa mutongo werufu uyu zvachose kuburikidza nekubvisa chikamu chinopa masimba ekumbodzoswa kwemutongo uyu munguva yekusagadzikana kwezvinhu munyika.
Asi kune vamwe vane maonero ekuti mutemo uyu waisafanirwa kuvandudzwa vachiti mutongo werufu waibatsira kuderedza kuparwa kwemhosva dzekupondana munyika.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reAll Hands on Justice, VaKennedy Masiye vanotiwo danho ratorwa nehurumende rekubvisa mutongo werufu idanho rakanaka chose vachikuru dzira kuti pachive nedzidziso yakasimba kungave kumajeri kana kunze yekuti veruzhinji varemekedze kukosha kwehupenyu hwemunhu.
Zimbabwe yakapedzisira kuuraya munhu akatongerwa rufu muna 2005. Kupasisa kwayaita mutemo unorasa kutongerwa rufu kwevasungwa kwaita kuti Zimbabwe ive nyika yechizana nemakumi maviri nenomwe dzisisina mutongo werufu pasi rose.
Amnesty International inoti kusvika pakupera kwegore ra2023 vanhu makumi mashanu nevapfumbamwe ndivo vaizivikanwa kuti vaive vakatongerwa rufu vachimirira kuurayiwa.
Your browser doesn’t support HTML5