Apo Gore ra2024 Rasvika kuMagumo, Vamwe Vechidiki Voti Havaoni Gore ra2025 Riine Pundutso

vamwe vechidiki vanoti havaoni 2025 aine pundutso muhupenyu hwavo.

Apo gore ra2024 rasvika kumagumo, kune vechidiki vakawanda vanoti havaoni gore ra2025 richiunza mikana inoita kuti hupenyu hwavo husimukire. Asi vamwe vanoti gore ra 2025 richavaunzira mhanza yakanaka.

Baba vechidiki vanogara mumusha weHopley muHarare, VaJoseph Tapera, vanoti havaoni 2025 achiunza rombo rakanaka kune vechidiki vakaita saivo nevamwe.

“Kushaiwa mabasa kuchaenderera mberi sezvo makambani mamwe ari kutovhara. Kuzvipatara uko hakuna mishonga. Ukaedza kuzviitirawo twumabasa twekuti urarame, mari yacho yakanyanya kuita shoma. Nekusanaya zvakanaka kwemvura kuri kuitika, handisi kuona gore rinouya richiita nani kune vechidiki.”

Mumwe wechidiki muHarare, Muzvare Bester Chandata, vanoti havaoniwo remangwana revechidiki rakajeka nekuda kwemamiriro ehupfumi hwenyika

“Mukatarisa mari dzinowanikwa neavo vanoshanda mabasa akasiyanasiyana, muchaona kuti haikwani kuti vagadzirire remangwana ravo. Vakawanda vari kungoshanda kuti vawane mari yekudya nekupfeka- havakwanisi kuisa imwe parutivi yekuzoshandisa mumakore anotevera. Izvi zvinoreva kuti vechidiki vacharamba vachitambura.”

Asi mumwe wevwchidiki, uye vari mukuru wesangano revarimi vechidiki, reZimbabwe Young Farmers Trust, VaJosephat Tanga, vanoti vanoona kurima kuchisimudzira vechidiki vakawanda mugore ra2025 kana vakashandisa mikana yavanoti yakawaniswa nehurumende.

“Izvozvi kune hurongwa hwekuwanisa vanhu magwaro eminda anovakwanisisa kuti vakwanise kunopiwa zvikwereti kumabhanga, uye kuti vagone kusima mari muminda iyi. Ndinoona matanho akatorwa nehurumende aya akakosha zvakanyanya nekuti anokwanisisa vechidiki kuti vashande paminda vachiziva kuti zvakafanana nekuti ndeyavo. Saka ndinokurudzira kuti ngatishandeyi nesimba muna 2025 tizvisimudzire.”

Asi kunyange vechidiki vachida kuita zvose zvavangakwanisa kuita mukuzvisimudzira, vakambotungamira sangano rinomirira vadzidzi vepaUniversity of Zimbabwe, VaAllan Chipoyi, vanoti shungu dzese idzi dzichadzipwa nemitero mitsva yakadzikwa nehurumende.

“Gurukota rezvemari nehupfumi hwenyika vakataura kuti gore ra2025 richitanga, kuchaiswa mitero mitsva, pamusoro peiyo yanga yagara iripo. Izvi zvinongoreva kuti hupenyu hwevechidki huchawedzera kuoma sezvo mari yezvimabhizimusi zvavo zvidiki yava kuda kudamburwa nehurumende. Handioni remangwana revechidiki rakajeka zvachose, asi kuti irima rega-rega.”

Sangano rinoshanda nevechidiki reNational Association of Youth Organizations, rinoti mutsvakiridzo dzakaitwa zvakabuda pachena kuti nekuda kwemikana mishoma munyika, vechidiki vakawanda vane pfungwa dzekunotsvaga mafuro manyoro kunze kwenyika.

Asi gurukota rezvevechidiki, VaTino Machakaire, vanoti vechidiki vasagarira maoko muna 2025.

“Tine maonero akasiyana-siyana panyaya yekuoma kwezvinhu, asi regai nditi kuoma kana kupfava kwezvinhu kunoenderana nemunhu. Ndinokurudzira kuti ngatishandisei maoko nepfungwa dzedu kuti tizvisimudzire. Hatidi vanongoramba vachiti zvinhu zvakaoma, pasina chavari kuita.”

Wechidiki anoongorora nyaya dzevamwe vake vechidiki, uye ari mutungamiri wevechidiki mubato reZanu PF, VaPeter Matangi, vanoti hurumende inofanira kutora matanho makuru kuitira kuti hupenyu hwevechidiki hukwanise kusimudzirwa muna2025.

“Gore rino hongu zviriko zvakaitwa kusimudzira vechidki, asi hazvina kusvika pataitarisira. Muna2025, ishuviro yangu kuti zvese zvakavimbiswa vechidiki nehurumende, zvizadzikiswe. Kana iri mikana mumapazi ehurumende, kana dziri mari dzekuvamba mabhizimusi, dai zvapiwa vechidiki, zvisaperera mukutaura. Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vanogara vachiti vechidiki ndivo vanofanira kusimudza Zimbabwe, naizvozvo tinoda kupiwa rutsigiro rwehurumende rwakazara kuti tiite izvi.”

Vamwe vechidiki vakafanana navaStephen Tshuma, vaimbotungamira vechidiki vebato reCCC, vanotiwo mikana yekusimudzira vechidiki muna 2025 inofanirwawo kuendeswa kune vanhu vose kwete zvanga zvichiitika mugore ra2024 zvekuti yaiwandira kuboka rimwechete rezvematongerwo enyika rinove riri kutonga reZanu PF.

Asi hurumende inoti iri kutarisira kuti hupfumi hwenyika huchakura nezvikamu zvitanhatu kubva muzana muna 2025 sezvo paine tarisiro yekuti mvura ichanaya zvakanaka mumwaka uno wekurima kunyange hazvo dzimwe nyanzvi mune zvekurima dziri kuti tarisiro mune zvekurima inogona kudzikira sezvo mvura isiri kunaya sematarisiro avo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Tobias Mudzingwa