Nhengo dzeZanu-PF Dzobvuta Mupunga Wakapihwa Varombo neHurumende

Dzimwe nhengo dzebato reZanu-PF dziri kupomerwa mhosva yekuba mupunga waifanira kupihwa vanhu vemuChiredzi Central vari kuyaura nenzara.

Mupunga uyu wakapihwa nhengo dzedare reparamende nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti upihwe vanhu nenhengo dzedare reparamende neSenate. Izvi zviri kuitwa kubatsira vanhu vatarisana nenzara munyika kunyanya varombo, shirikadzi nevakaremara.

Mumiriri weChiredzi Central mudare reparamende vari nhengo yechimwe chikwata chebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaRopafadzo Makumire vaudza Studio 7 kuti vakange vachengetesa mupunga wavaida kupa vanhu mudura rinochengeterwa zvinhu (Warehouse) nenhengo yeparamende yeChiredzi South VaJoel Sithole veZanu-PF, mushure mekubatsirana kutakura mupunga wacho kubva kuHarare.

VaMakumire vanoti neMuvhuro pavakayedza kutora mupunga uyu vakarambidzwa nevatsigiri veZanu-PF vaitungamiririrwa naVaFrancis Moyo avo vakakunda musarudzo avo vaiti vanopikisa havangaupihwe sezvo wakabva kuna VaMnangagwa.

Vati, “Pandakasvika pawarehouse vakandizivisa kuti vapuwa shoko nemutungamiriri wenyika kuti vapambe mupunga uyu nekuti ini handingagovi nekuti ndiri MP we opposition.”
Studio 7 yayedza kubata VaMoyo kuti tinzwe divi ravo asi vabva vadzima nharembozha yavo pavangodzwa mubvunzo wedu.


VaMakumire vanoti vakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa asi kusvika parizvino hapana asungwa. Vati, “Nyaya iyi iri mumaoko ematikitivha vari kuiferefeta saka kwandiri mupunga uyu wakabiwa nenhengo dzaZanu PF vachishandisa zita remutungamiriri wenyika” Asi VaSithole varamba kuti vakachengeteswa mupunga naVaMakumire. “Ndakazongoona mapepa ongonyora handina rice yandakaona ini, ndakazviona pasocial media handina chandinoziva,’ VaMakumire vaudza studio 7

Asi VaMakumire varamba vakamira nerekuti vakabatanidza mari vari nhengo dzeparamende dzeChiredzi ina vakabhadhara gonyeti rakauya nemupunga ndokusiya mudura rinochengeterwa zvinhu naVaSithole.
Sachigaro weZanu PF muMasvingo, VaRobson Mavhenyengwa vati nyaya iyi haisati yasvika kuhofisi kwavo. VaMavhenyengwa vati, “Ndakatohwawo musocial media ndikanyorera vakomana vekuChiredzi kuti vandipe feedback havasati vandipa ndakaona sekuti MP wacho akataura nyaya dzake musocial media imomu”.

Mutauriri wemapurisa muMasvingo, Inspector, Kudakwashe Dehwa vati havasati vasumwa nezvenyaya iyi vakavimbisa kuzopa zvizere kana vabata mapurisa ekukamba yekuChiredzi.

Mumwe mutungamiriri weCCC muMasvingo, Senator, Godfrey Madzikanda vashoropodza bato reZanu PF vachiti hariremekedze mutemo. Vati, “But Zanu being Zanu Pf haiteveri mutemo hairispecti protocol itongori dambudziko saka we live with it tichiziva.”

Nhengo dzese dzedare reparamende dzakapuwa matani mana emupunga wakabva kuna VaMnangagwa kuti vagovere vanhu munzvimbo dzavanomirira mudare reparamende.
VaMnangagwa vakatiwo havatenderi vanhu kuti paitwe zvematongerwo enyika munyaya dzekugoverwa kwevanhu chikafu.

Asi sangano rakazvimirira roga reZimbabwe Peace Project rakaburitsawo gwaro rinoratidza kuti vanopikisa vari kunyimwa chikafu kunyanya kumaruwa. Izvi zvcinonzi zviri kuitika kunzvimbo dzakaita seVungu, Masvingo North, Bikita East, Gutu Central neMutare North.

Mune imwe nyaya, nhengo yebato reZanu-PF ichimirira Uzumba, VaWiriranai Muchemwa nakanzura weWard 15 VaKnowledge Chipindu vakamiswa pamberi pedare ramejastiriti muHarare vachipomerwa mhosva yekuba hupfu hwainge hwapihwa vanhu vemunharaunda mavo neimwe kambani yezvicherwa yekuChina.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godfrey Mtimba

Hurumende inoti vanhu vanosvika mamiriyoni mapfumbamwe vakatarisana nenzara munyika yose.