Vaive Mukuru weZRP VaMatanga Vasiya Basa Zviri paMutemo Nhasi Vanoti Vave Kuenda Kunorima

Police Commissioner General Godwin Matanga

Vaimbove mukuru wemapurisa, VaGodwin Matanga, nhasi vatambidza matomu zviri pamutemo kune mumwe wevaimbove vatevedzeri vavo, VaStephen Mutamba, vachitenda vanotenda VaMutamba nebasa guru ravatanga pamwe nekuvashuvira kuita basa ravo nemazvo.

VaMatanga vabva vazivisa kuti vave kuenda kupurazi kwavo kunosimbaradza mabasa ekurima.

Vati vakaendeswa pamudyandigire nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakati vakashandisa bumbiro remitemo rinotara kuendeswa pamudyandigere kwemukuru wemapurisa.

Vachitaura pahurongwa hwekutambidza matomu kumukuru wemapurisa mutsva, VaShepherd Mutamba, VaMatanga vati nyaya dziri kutaurwa pamadande mutande dzekuti vakadzingwa basa uye vange vave kurambira muhofisi manyepo.

Vati, “Ndakanyorerwa ndikapiwa gwaro rangu rekusiya basa zvakanaka nemutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa sezvo nguva yangu yekuenda pamudyandigere yange yakwana.”

Mashoko aVaMatanga aya anotevera mashoko ekuti vange vachienda kubasa kunyange vakaendeswa pamudyandigere kutanga kwaNdira gore rino.

Izvi zvakapa kuti mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vaudze verizhinji kuti VaMatanga vanga vasisiri mukuru wemapurisa, uye VaMutamba ndivo vange vava panyanga kubva musi wa Ndira 1, 2025

Vachitambira matomu ekuva mukuru wemapurisa munyika, VaMutamba vatenda VaMatanga vachiti vakaisa hwaro hwakanaka uye vane pekutangira pakanaka vachitiwo vane tarisiro yekuti vachaita basa ravo nemazvo. Vati, “Ndine tariro yekuti tichagona kuvaka uye kutungamirira mapurisa anoteerera mutemo uye asingaite zvechioko muhomwe patichasvika mugore ra 2030.”

Kunyange hazvo VaMatanga naVaMutamba vapa chimiro chemapurisa chakanaka, vakawanda vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muchipurisa sezvo muine huori hunotyisa.

Mutungamiri we Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vati VaMatanga vasiya nhoroondo yakaipa muchipurisa sezvo vaishandiswa neZanu PF kudzvinyirira vanopikisa hurumende. VaMasaraure vati, “Vanorangarirwa nenyaya yekuponda nekurwisa vanorwira kodzero dzevanhu." Vaenderera mberi vachiti, "Izvi vaizviita pamwechete dzimweni dzenguva nemauto vachirambidza vana veZimbabwe kuratidzira kana vaine kutsutsumwa kwavainako.”

Mumwe wevechidiki anorwira kodzero dzevanhu munyika, VaTapiwanashe Chiriga, vatiwo VaMatanga vasiya ronda risingapore pahunhu hwemapurisa.

VaChiriga vati, “Vazhinji vakahwina nyaya mumatare mushure mekunge varohwa nekumbunyikidzwa nemapurisa zvikuru panguva yeCovid 19 apo mapurisa pairova vanhu zvisina tsarukano uye panguva yemademonstrations kana nenguva dzesarudzo chaidzo.”

VaMnangagwa vakazivisa muna Zvita kuti VaMatanga vachapedza basa ravo musi wa Zvita 31, 2024 vachienda pamudyandigere. Izvi zvakaziviswa nyika nemunyori wedare remakurukota VaMartin Rushwaya. Apa ndipo pakaziviswawo nyika kuti VaMutamba ndivo vachange vave mukuru wemapurisa kutanga musi wa Ndira 1, 2025.

VaMatanga vakaitwa mukuru wemapurisa muna 2017 mushure mekunge vaimbove mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, vabviswa pachigaro zvichitevera kubviswa nechisimba kwevaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe.

VaMatanga vanga vava mukuru wemapurisa wechitema wechina zvichitevera kugadzwa kwaVaWiridzayi Nguruve muna 1982, VaHenry Mukurazhizha muna 1985, VaChihuri muna 1993, avo vakabuda munyika mushure mekubviswa kwaVaMugabe pachigaro.

Hurongwa hwanhasi hwapindwawo nemukuru wemauto, VaPhilip Valerio Sibanda, mukuru wevasori, VaIsaac Moyo, gurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, gurukota rezvevasori, VaLovemore Matuke, nevamwe vakuru vakuru muhurumende.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Costa Nkomo