Dare reCongress muAmerica Ratambira Zviri Pamutemo Zvakabuda Musarudzo yeMutungamiri weNyika

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica amai Kamala Harris vari kudare guru reCongress nhasi.

Matare anoti reHouse of Representatives nereSenate atambira zviri pamutemo zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika yakaitwa muna Mbudzi gore rapera.

Hurongwa uhu hwaitirwa muWashington DC kunyangwe madonha chando chakawanda kana kuti snow zvapa kuti mamwe mapazi ehurumende asina kukosha avharwe.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Kamala Harris ndivo vazivisa nezvekutambirwa zviri pamutemo kwezvakabuda musarudzo. Amai Harris vakakundwa musarudzo iyi naVaDonald Trump.

Makore mana adarika, pakaitika mhirizhonga inotyisa padare raperamende reUS Capitol iri apo vamwe vatsigiri vaVaTrump vaida kurambidza nhengo dzedare reparamende kuti dzitambire zvainge zvabuda musarudzo pakakundwa VaTrump naVaJoe Biden.

VaTrump pasina humbowo vaiti sarudzo dzainge dzabirirwa.

Rwendo rwuno panze pedare iri pange pakakomberedzwa newaya uye mapurisa nemauto akawanda zvikuru.

Gweta uye vachitungamira sangano rinorwira kodzero dzevanhu reAll Hands On Justice VaKennedy Masiye vaudza Studio7 kuti zviri kuitika muWashington DC zvakakosha sezvo zvichiratidza hutongi hwejechetere.

"Nhasi ndiro zuva guru nekutambira zvakabuda musarudze yemutungamiri wenyika yeAmerica muna Mbudzi gore rapera. Vaenderera mberi vachiti, “Zviri kuitwa izvi zvakakosha mukuratidza kuti mitemo yemunyika yeAmerica inoshanda uye nyika iyi inoremekedza kutambidzanwa kwemasimba zvisina mhirizhonga,"

VaTrump vachatora mhiko zviri pamutemo musi sa 20 Ndira.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKennedy Masiye