Vechidiki vakawanda vanoti danho rakatorwa nehurumende rekuwedzera makore ekushanda muhurumende richaita kuti mikana yavo yekuwana mabasa muhurumende idzikire zvakanyanya.
Asi iyo hurumende inoti danho iri rakanaka chose.
Mutungamiri wenyika ndiye akashandisa masimba ake echimbichimbi kudzika mutemo uyu kana kuti Statutory Instrument uye unoshanda kwemwedzi mitanhatu dare reparemende rozouita mutemo wenyika kana zvaonekwa zvakakodzera.
Uri kuvandudza mutemo unoona nezvevashandi kana kuti Public Service Act.
Wechidiki wemuHarare, uye ari gweta, Muzvare Kundiso Rusike, vatsanangura zvinoreva mutemo wechimbi chimbi mutsva uyu, weStatutory Instrument 198 of 2024. Muzvare Rusike vati, "Zvazvinoreva ndezvekuti vakuru vachamboramba vari mumabasa, zvichida aifanira kunge achiwanikwawo nevadiki.”
Vaenderera mberi vachiti, “Asi tichitarisa huwandu hwevechidiki munyika, zvinoshamisa kuti sei pazoita mutemo wakadai, sezvo vechidiki vakawanda kudarika vakuru- zvinoreva kuti ndivo vanoda mikana yakawamdawo. Asi vakaisa mutemo uyu vanoti makore ava kuraramiwa muZimbabwe awedzera, naizvozvo hazvina musoro kuti hurumende ibhadhare munhu mari yemudyandigere, iye achiri kukwanisa kushanda."
Hurumende yakawedzera makore ekuzosiya basa kuvashandi vayo kubva pamakumi matanhatu nemashanu, kusvika pamakore makumi manomwe.
Ukuwo, vari muchiuto, vave kukwanisa kushanda kusvika kumakore makumi matanhatu, ivo vaimbosvika pamakore makumi mashanu nemashanu.
Vamwe vakaita semapurisa nevanoshanda mumajeri pamwe nevari mune zvehutano, vakawedzerwawo makore avave kukwanisa kusvika vachishanda, asi haana kubuditswa pachena.
Asi makore ekusiya basa kana munhu ava kuda kuenda pamudyandigere, achiri akasiyana.
Wechidiki anogara munzvimbo yeKuwadzana muHarare, Redeem Brooklyn, anoti haafari nedanho rakatorwa nehurumende. VaBrooklyn vati, "Zvazvinoreva ndezvekuti vakwegura vedu ndivo vacharamba vachitichengeta isu vechidiki sezvo tisina mikana yekuwana mabasa.” Vatiwo, “Zvinorevawo kuti kutorwa kwezvinodhaka pamwechete nekutengesa miviri, nekuita imwe misikanzwa, zvichawedzera mune vechidiki. Danho rakatorwa iri rinotidzivisa mukuzvisimudzirawo sevanhu vachiri kukura."
VaTafadzwa Gumbo, wechidiki ave kupeta zvidzidzo zvake pachikoro chepamusoro-soro cheMidlands State University, vanoti Zimbabwe icharasikirwa zvikuru nevechidiki vane hutesva hunogona kuendesa nyika mberi. VaGumbo vaudza Studio 7 kuti, "Nekuda kwekushaika kwemikana, izvi zvinogona kuita kuti vechidiki vakawanda vatizire kune dzimwe nyika vachinotsvaga mafuro manyoro.”
Vaenderera mberi vachiti, “Zvinorevawo kuti mapandiko ehurumende akasiyana-siyana acharamba achisarira kumashure nekuti nyanzvi dzechidiki idzi dzinenge dzisisipo, kwangosara vakwegura, vasisina mazano matsva ekuendesa basa mberi."
Asi nyanzvi inoongorora nyaya dzezvemudyandigere, vachishanda nesangano reChiedza Retirement Advisory Services, VaSabastian Zuze, varamba kuti mutemo mutsva uchashayisa vechidiki mukana. Vati, "Vanhu vakawanda varikuti vechidiki vachashaya mabasa asi izvi hazvisi nekuti variko vachasiya mabasa vachienda pamudyandigere, vechidiki vowana mabasa aya.”
Vatiwo, “Saka zvinozviita zvega sekuona kwamuchaita. Hurumende yaonawo zvakakosha kuwedzera makore ekushanda kuitira kupa vari mumabasa mikana yekugadzirira mudyandigere. Zvekare, kuwedzerwa kwemakore uku kunoreva kuti nyanzvi dzanga dzichiri kudiwa muhurumende, dzava kumbomira kunozorora."
Asiwo, vakafanobata chigaro chemunyori wesangano rinomirira kodzero dzevashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaKudakwashe Munengiwa, vanoti kunyange mikana yevechidiki iri kuvharwa nemutemo mutsva uyu, vakuru vacho vari kuzoenda pamudyandigere, vari kutsva kumusana nekudumbu.
"Muchaona kuti kunyange ivo varikunzi vamboramba vari pabasa, mari dzavari kutambira hadzikwani, uye havasi kuzoenda pamudyandigere, asi pamudyandimire sezvo vachizotsvaga mamwe mabasa anovararamisa nekuti mari yavanenge vachiwana inenge iri shoma.” VaMunengiwa vaudza Studio 7.
Vatizve, “Saka vechidiki vangaona sekuti ndivo vega vadzvinyirirwa, asi nevakuru vacho zvekare. Panoda kugadziriswa kuti mudyandigere uve mudyandigere wechokwadi."
Nekudawo kwekushanduka kwemashandiro mazuvano, vamwewo ndivo vanoti kuramba kwevagura vari pamabasa kunoreva kuti zvinhu zvakawanda muhurumende zvicharamba zvichisarirawo kumashure, sezvo vakawanda vevakuru ava vasiri kufambirana nechizvino-zvino.
Asi hurumende inoti yakawedzerawo makore ekushanda evashandi vayo, nekuti vane hutesva-tesva huchiri kudiwa pamishando yavo.
Ongororo dzakaitwa nemasangano akawanda kusanganisira ILO dzinoratidza kuti hurumende ndiyo imwe iri pamberi mukubayira vashandi zvitupa sezvo vakawanda munyika vachingozviitira mabasa emaoko. Makambani akawanda munyika ari kutatarika izvi zvinozopa kuti vamwe vagume vabuda munyika kunotsvaga mafuro manyoro.
Studio 7 yaedza kubata komisheni inoona nezvevashandi vehurumende, yePublic Service Commission, kuti inzwewo divi rayo panyaya iyi, asi munyori wePSC, Amai Sibusisiwe Zembe, vanga vasati vapindura mibvunzo yavatumirwa neStudio 7 tisati taenda pamhepo.