Vane Husope Vari Kukurudzira Hurumende Kuti Ivawanise Zvikwanisiro Zvekurwisa Chirwere cheGomarara

Albino

Vanorarama nehusope vari kukurudzira hurumende kuti ivawanise zvikwanisiro zvakaita semishonga kugadzirisa dambudziko rechirwere chegomarara chiri kuuraya vakawanda vavo.


Vachitaura neStudio 7 vane husope vanoti denda iri riri kuvapedza sezvo risingarapiki muzvipatara zvemunyika izvo zvisina mishina yekubata chirwere ichi chisati chakomba.


Muzvare Agness Gurune vane husope vanoti chirwere ichi chiri kuraya vane husope vakawanda. Vati, “Tiri kungotarisira kubva kuhurumende nekuti pakaitwa budget ra2025 takakumbira allocation inoendeswa kumishini yekutesta nekurapa cancer uye tiwanewo medication”


Amai Vimbai Munyara vekwaSadza kuChivhu vanoti mishonga yemafuta ekudzivira chirwere ichi inobhura uye vakawanda vavo vanotambura. “125 ml yeNevea inoita 25 dollars of which unge uchida mabhodhoro 3 or 4 pamwedzi saka hatikwanisi kutenga mafuta awa, kutsvaga ma sunglasses, huye kuwana hembe dzinodzivirira kuzuva sema sunhats nema umbrella.” Amai Munyara vaudza Studio 7.

Vanotungamirira mabasa musangano reZimbabwe Albinos Association, VaKudakwashe Masvinyange, vanoti zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana zvevanhu vane husope zvinoshaika nekuda kwechirwere chegomarara. VaMasvinyange vati, “Tinoramba tichikururdzira hurumende yedu kuti dai yaita decentralize this treatment facilities yecancer kuma provincial hospital ose to save lives.”

Nyanzvi munyaya dzezvehuutano, Dr Kudzanai Masinire, vane chipatara chavo cheMasinire Medical Centre muMasvingo vanoti dambudziko rechirwre chegomarara rinosvika pazvikamu gumi kubva muzana kuvanhu vane husope muAfrica.

Dr Masinire vati chirwere ichi chinowanzo kurira vane husope vane makore ari pakati pemakumi matatu nemakumi mana.
Vaenderera mberi vachiti, “Peharps tikawana vatinoti mamulti discipline teams vana mukoti zvanodzidzisa nezve awareness vana chiremba vanonzi ma dematologists, masurgeons vanozoita maoperations nevamwe vakadaro pazvipatara zvese zvinobatsira”

Vane husope vanokurudzirwa kuenda kuzvipatara nekukurumidza vakaona mapundu paganda kana chironda chichiri chidiki. Munguva yekupisa vanokurudzirwa kuti vasashande muzuva uye kupfekawo hembe refu.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvehutano munyika sezvo mutauriri waro, VaDonald Mujiri vakati vari pazororo.


Vakati titaure nemumwe wavo, Amai Joyleen Chimonyo avo vakati tiise mibvunzo patsamba mbozha iyo yavasina kupindura panguva yekuenda pamhepo.


Gwaro rakabudiswa pakaverengwa vanhu munyika muna 2022 rePopulation and Housing Census, rakati vanhu vane husope vanosvika zviuru zvipfumbamwe nemazana manomwe ane makumi mana nemanomwe, 1 747.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godfrey Mtimba