Gweta revanozviti munyori mukuru wechimwe chikwata chebato reCCC VaSengezo Tshabangu Advocate Nqobizitha Mlilo vaudza Studio 7 kuti VaNcube havana simba rekumisa VaTshabangu basa sezvo vasisiri mutunganmiri webato nekuti pasi pebumbiro remitemo panofanira kunge pakaitwa sarudzo dzitsva kare vakabva.
Vatiwo VaTshabangu havana kupihwa tsamba yacho. Vatiwo pasi pebumbiro remitemo rebato, VaNcube vega havana simba rekudzinga VaTshabangu. Vati kana pachida kurangwa munhu Article 12 yemutemo webato iri inoti vanhu vanodarika zvikamu makumi matanhatu nematanhatu kana kuti 66% vari muNational Council.
Chikwata chinotungamirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube chinoti chambomisa basa vanozviiti ndivo munyori mukuru mubato iri VaSengezo Tshabangu vachivapomera mhosva yekutyora mutemo webato.
Asi vanoona nezvekufambiswa kwemashoko muchikwata chaVaNcube, VaWillard Madzimure vaudza Studio7 kuti VaTshabangu vakaita humbimbindoga pavaivandudza hutungamiriri hwechikwata ichi mudare reparamende.
VaMadzimure vati VaTshabangu vachamiswa pamberi pedare rebato rinotonga vanenge vachipomerwa mhosva dzekusatevedzera mutemo.
VaMadzimure vaudza Studio 7 kuti, “Saka vambomiswa basa zvichitevedzera Article 9123 yebumbiro redu remutemo re triple C. Bumbiro redu reTriple C rinotaura kuti chinhu chese chinoitwa, chinoitwa kana chabva kumapazi ese emusangano kwete nemunhu mumwe chete nekuti munhu mumwe chete haisi party,” mazwi aVaMadzimure.
Kutanga kwaZvita gore rapera, VaTshabangu vakabvisa mumiriri weChikanga muNational Asssembly Amai Lynette Karenyi-Kore pachigaro chekutungamirira bato reTripple C mudare reNational Assembly ndokuisa mumiriri weSunningdale Muzvare Maureen Kademaunga. Vakabvisawo masachigaro emakomiti akawanda mudare iri.
VaNcube vakabva vakwira kudare repamusoro vachiti VaTshabangu vainge vatyora bumbiro remitemo rebato. Dare repamusoro rakatenderana naVaNcube zvabva zvasiya VaTshabangu vari pamhene.
Vanoona nezve kufambiswa kwemashoko mune chimwe chikwata chebato reTripple C chinotungamirwawo naVaJameson Timba, VaDarlington Chigumbu vati mutongo wakapiwa nedare reHigh Court nezuro uchavapa mukana wekuenderera mberi nekukwikwidza simba raVaTshabangu rekudzinga kwavakaita vamiriri vebato ravo muNational Assembly muna 2023.
VaChigumbu vati, “Nemutongo wauya uyu, zvaakutipawo mukana wekuti nyaya yedu yatakange taendesa kumatare tichitaura isu kuti VaTshabangu havana simba rekudzinga maMP eTripple C nekuti havana chavakaita kuti ma MP aya apinde muparamende.”
Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe VaLazarus Sauti vati zviri pachena kuti matare edzimhosva ane ruoko munyaya dzekupatsanuka kweTripple C. “Zvinotiratidza kuti zvinhu zviri kuitika munyika medu zviri maringe zvematongerwo enyika hazvisi kuitwa negwara rakanaka. VaSauti vaudza Studio 7.
Vaenderera mberi vachiti, “Vana maenzanise vari mumatare edzimhosva vane ruoko munyaya idzi uye vanenge vachida kuzadzikisa zvishuwo zvevamwewo vanhu zvisinei nemutemo.”
Kunyange hazvo vaive mutungamiri webato reTripple VaNelson Chamisa vakanyorera mutauriri mukuru weNational Assembly VaJacob Mudenda vachivaudza kuti VaTshabangu vainge vasina masimba ekudzinga nhengo dzavo, mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda nematare vakaramba kuzvitambira.
Zvichakadaro, chikwata chaVaTshabangu chave kuti chinotsigira danho revamwe mubato reZanu-PF rekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatungamire nyika kusvika muna 2030.
Vange vasarudzwa naVaTshabangu kuti vave mukokeri webato iri mudare reparamende zvakarambwa nedare repamusoro VaCharles Moyo ndivo vakataura nezvedanho rechikwata chavo muhurukuro nebepanhau reHerald. Studio 7 yabata VaMoyo avo vati vange vasina kusungunuka kutaura. Vati, “Pane mutsetse wakakura chaizvo wevanhu vandiri kupa mupunga saka handikwanise kutaura nemi,” mazwi aVaMoyo.
Kunyangwe VaMnangagwa vakati vave kuda kuenda pamudyandigere, vamwe mubato ravo vari kuramba vachivakurudzira kuti varambe vari panyanga. VaMnangagwa vanonziwo nevamwe havana zvavari kuita kudzivisa nhengo dzebato dziri kuda kuti vatonge kusvika madhongi amera nyanga kuti dzisaite izvi sezvo zviri kunzi zvave kukonzera zinyekenyeke mubato.
Asi mutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba vanoti hapana chachinja pamashoko aVaMnangagwa ekuti vari kusiya basa kana nguva yavo yakwana.
Your browser doesn’t support HTML5