America inoshoropodza hurumende yeHong Kong nekuburitsa kwayo magwaro matsva ekuda kusunga varwiri vekodzero vatanhatu vari mhiri kwemakungwa pamwe nemibairo yairi kupa kune vachakonzera kusungwa kwavo, uyewo kukanzurwa kwemagwaro ekufambisa evamwe varwiri vekodzero vanomwe, kusanganisira vamwe vari kugara muAmerica.
Mapurisa anoona nezvekuchengetedzwa kweHong Kong akaburitsa magwaro matsva ekuda kusunga varwiri ava mukupera kwaZvita, pamwechete nemiriyoni imwechete yemadhora ekuHong Kong, ayo angangoda kusvika kuzviuru zana nemakumi matatu zvemadhora ekuAmerica, yekupa kune vanenge vabatsira mukusungwa kwezvizvarwa zveHong Kong zvinorwira kodzero dzevanhu. Vari kunangwa rwendo rwuno vanosanganisira Carmen Lau, Chloe Cheung, Tony Chung, Chung Kim-wah, Victor Leung Mau-ho naJoe Tay.
Vari kupomerwa mhosva dzekukanganisa kugadzikana kwenyika dzinosanganisira kushanda pamwe nemauto ekunze nekupesvedzera kupatsanurwa kwedunhu kuburikidza nezvinyorwa pamwe nemashoko zvavaiburitsa pamadandemutande. Varwiri vekodzero vanomwe vane magwaro ekufambisa achangobva kukanzurwa vanosanganisira Ted Hui, Anna Kwok, Elmer Yuen, Dennis Kwok, Kevin Yam, Frances Hui naJoey Siu. Vakatarisanawo zvakare nemari dzekune dzimwe nyika dzichabhadharwa kune vanenge vakonzeresa kusungwa kwavo nekuda kwekurwira kodzero dzevanhu kwavanoita.
Muna Chikumi 2024, hurumende yeHong Kong yakakanzura magwaro ekufambisa evarwiri vekodzero dzevanhu vatanhatu vagere kuBritain. Uye muna Chikunguru naZvita 2023, hurumende yeHong Kong yakaburitsa magwaro ekusunga pamwe nemari dzekubadhara vanenge vabatsira kuti vasungwe, pasi pemutemo wa2020 wekuchengetedzeka kwenyika, we 2020 National Security Law, kuvarwiri vekodzero dzevanhu gumi nevatatu vari muAmerica, Britain neAustralia.
Mumashoko avakaburitsa, mutauriri webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, VaMatthew Miller vakati, “Tinoramba matanho ehurumende yeHong Kong ekutyisidzira nekunyaradza vanhuwo zvavo vanosarudza kuita America musha wavo.” Vakati, “America haitsukunyuki mukurwira kwayo kodzero dzevari kunangwa nekungoti vanozadzisa kodzero dzavo dzekutaura vakasununguka.”
VaMiller vakati, “Kushandiswa kwemitemo yekuchengetedzeka kweHong Kong kune dzimwe nyika kutyora mutemo wepasi rose kunozvidza kuzvimirira kweAmerica nekodzero dzevanhu nekusunguka kwevanhu pasi rose.” Vakati, “Kuita kwakadai kunoratidza pachena kusakosheswa kwemitemo yepasi rose nekodzero yekusununguka kuita nekuungana murunyararo.”
VaMiller vakati America ino kurudzira hurumende yeHong Kong kuti imire kushandisa mitemo yekuchengetedzeka kwayo kunyaradza vane maonero akasiyana neayo.”
Your browser doesn’t support HTML5
Ayo anga ari mashoko anoratidza maonero ehurumende yeAmerica andakuverengerai.