Apo nyika iri kunzi iri kunetseka nekuunganidza mari inokwanira zvirongwa zvayo zvose, dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzave kukurudzira hurumende kuti ione kuti boka rinozviitira mabasa emaoko kana kuti informal sector rarongeka kuitira kuti riisewo mari muhomwe yehurumende kuburikidza nemitero.
Kunyange hazvo vamwe muboka revanozviitira mabasa emaoko iri vari kunzi vari kubhadhara nechakare mutero wePresumptive Tax, vamwe vave kukurudzira kuti vabhadhariswewo mutero weIncome Tax unobhadhariswa makambani nezvitoro zvikuru.
Mumwe wevari kukurudzira kuti boka iri rirongeke kuitira kuti riisewo cheuviri muhomwe yehurumende senzira yekuvandudza hupfumi hwenyika inyanzvi mune zvehupfumi vari chipangamazano chebhyanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaPersistence Gwanyanya,avo vanoti hakuna nyika inofamba zvakanaka zvakarurama nevanozviitira mabasa emaoko chete.
"Nekuti informal sector haibhadhare mutero. Informal sector iyi havapinzi vanhu mabasa anonobatsira nyika nekutiitisa zvinhu zvakanaka atinoti ma quality jobs," VaGwanyanya vanodaro.
Asi munyori mukuru werimwe sangano rinomirira vanorarama nekuzviitira mabasa emaoko, reZimbabwe Chamber of Informal Economy Association, (ZCIEA), VaWisbon Malaya, vanoti havasi vose vari kushanda mabasa emaoko vari kuita mari inokwanisa kuita kuti vabhadhare mitero.
"Dambudziko ratinaro panyaya yemutero uri kukurukurwa nehurumende ndeyekuti pari kutsanangurwa nyaya yemutero iyi yobva yapiwa zviga zvekuti inotarwa sei mutero iyi pasina kuitwa hurukuro neatinoti ma stakeholders, including us ma associations anoshanda nevanhu vanoita mabasa emaoko," VaMalaya vanotsanangura.
Mukuru werimwe sangano revanorarama nekutengesa mumigwagwa, reVendors Initiative for Social and Economic Transformation (VISET), VaSamuel Wadzayi, vanoti havaone zvavo paine chakashata kuti vanhu vanozvibatira mabasa emaoko vange vachibhadhara mitero vachiti chinhu chinowanikwa munyika dzakawanda pasi rose chekuti vanozviitira mabasa emaoko vanobhadharawo mitero kunyika.
"Asi isu seboka reVISET tinenenge tichikurudzira ma aouthority kuti panoitwa texation iyi zviitwe pajekerere, zviitwe nenzira inobatsira kuumbiridza mashandiro anoita vanhu vari mu informal sector," VaWadzayi vanodaro.
Ukuwo, vanoongorora zvehupfumi vari mukuru wesangano re Coalition for Market and Liberal Solutions [COMALISO] Zimbabwe, VaRejoice Ngwenya, vanoti, "Ukaona hurumende yave kutsvagiridza tumari tunobva kuma vendor nema hawker nema tuck shop, pane dambudziko nekuti backbone kana musana wenyika unobva kumakambani mahombe."
Asi VaGwanyanya vanodzoka vachiti iyoyi nyaya yekurwisana ne informal sector ndiyo imwe nyayazve yavanofunga kuti yakagadziriswa zvakanaka inogona kuzofambisa hupfumi hwenyika zvakanaka kumberi uko.
Hurumende yagara zvayo iine mutemo unosungira vanozviitira mabasa emaoko kubhadhara mari yemutero wePresumptive Tax kana vakanga vasiri kuendesa magwaro emutero we Income Tax.
Asi vamwe vanoongorora zvehupfumi hwenyika vanoti hurumende inofanirwa kungosimbisa chete mutemo wekubata mitero kune vanozviitira mabasa emaoko ava uye kuti vabhadhare mitero yakakodzerana navo, kwete kumanikidzira kuti vabhadhare mari dzavasiri kuwana mumabasa avo emazuva ose.
Your browser doesn’t support HTML5