Nhoroondo yeHupenyu hwaVaDonald Trump

  • Jonga Kandemiiri

VaDonald Trump

VaDonald Trump vanotora mhiko yekutungamira nyika neMuvhuro Ndira 20 kuti vave mutungamiri weAmerica wechimakumi mana nenomwe.

Kudzoka mumasimba kunopinda munhoroondo kwemurume akakwanisa kuvandudza Republican Party mumakore anganodarika mapfumbamwe munyika iri kuramba ichiwedzera kupatsanuka. Mutori wenhau weVOA Tina Trinh anotarisa kudzoka kwaVaTrump munyaya dzezvematongerwo enyika.

VaDonald Trump vanoti vakasarudzwa zvakare vaine basa riati ramboonekwa uye rakasimba kubva kuvavhoti vemuAmerica.

"Ndinoda kutenda vanhu vemuAmerica neruremekedzo rwakakosha rwekusarudzwa kuve mutungamiri wenyu wechimakumi mana nenomwe uye mutungamiri wenyu wechimakumi mana neshanu. Uye chizvarwa chose. Ndichakurwirai, mhuri dzenyu neramangwana renyu. Zuva nezuva ndinenge ndichikurwirai. Uye nemweya wangu wese mumuviri wangu, handisi kuzozorora kudzamara taunza America yakasimba, yakachengeteka uye yakabudirira iyo vana vedu vanokodzera uye iwe yaunokodzera."

Kudzoka kwaVaTrump pamasimba ndechimwe chikamu chavo chekusada kutambira "kwete" semhinduro.

“Ndinofunga kuti wamunoona ndemumwe munhu ane chivimbo chakanyanya mune zvaanofunga.”

Russ Buettner naSusanne Craig vatori venhau ve New York Times vanoita zvekuferefeta uye vakanyora pamwechete bhuku rinonzi "Lucky Loser," rinotarisisa zvakadzama kuti VaTrump vakaita sei kuti vazviumbe samuzvinamari, kana kuti billionaire.

"Kubvira pakutanga kwekuma 1980 haanyatsovimbi nevanhu vane hunyanzvi mune chero zvacho chinhu. Acharamba achivakurira mukuita kuti zvinhu zviitwe nenzira yaanoda kuti zviitike.”

Zvivakwa zvaVaTrump zvakanga zvakanyorwa zita ravo nemazivara makuru e ruvara rwegoridhe, mucherechedzo weshungu dzavo dzekuda kwavo nekuda kwavo kuzvisimudzira.

Suzanne Craig anoti, "Aikosha mamirioni mazana maviri emadhora paaitaura - pane hurukuro yaakaita nebepanhau re New York Times - uye yakawedzera kusvika kubhiriyoni remadhora paakanga achitaura ne'60 Minutes' makore gumi akatevera."

VaTrump vakabudirira mukukwezva vanhu vanovatarisa nekuumba zita ravo semunhu anogona kutengesa. Vakaita mamiriyoni emadhora vachishambadza zita ravo.

Asi seri kwebudiriro iyi kwaive nematambudziko. Makambani avo akanyorera kuti anzi abhuroka kanoita katanhatu. Makasino avo akarasikirwa nemari uye akaparara.

VaTrump vakadzoka nechirongwa chavo chepaterevhizheni chinonzi, "The Apprentice," izvo zvakaita kuti vave nechinhanho chikuru kwazvo kune zvose zvavakamboita.

Musi wa Chikumi 16, 2015 VaTrump vakati, "Vanamai navanababa, ndiri kukwikwidza zviri pamutemo semutungamiri weAmerica, uye tichaita kuti nyika yedu ive huru zvakare."

Vasina basa nazvo uye vasingakete, VaTrump vaive munhu wezvematongerwo enyika aifarirwa nevamwe asingafaririrwi nevamwe munyika.

"Kana Mexico ichitumira vanhu vayo, havatumire vanogonesesa. // Vari kuunza zvinodhaka, vari kuunza dzimhosva vanobata chibharo, uye vamwe, ndinofunga, vanhu vakanaka."

Semutungamiri, VaTrump vakadoma vatongi vatatu vedare reSupreme Court vakabatsira mukurasa kodzero yekubvisa pamuviri munyika yose.

“Huwandu hwevanhu vafa muAmerica iye zvino hwadarika zana nemakumi mashanu ezviuru.”

Mukutanga kwa2020 denda reCOVID-19 rakazaa VaTrump. Vakaita kuti kugadzirwa kwemishonga inoponesa hupenyu hwevanhu igadzirwe zvechimbichimbi. Asi vakaitawo sevane pfungwa yekuti nyanzvi dzekugadzirwa kwemishonga dzidzidze nezvemushonga wekuchenesa zvinhu mukubaya majekiseni ekuuraya hutachiwana.

Huwandu hwezvizvarwa zveAmerica zvakabatwa nedenda iri hwadarika mamiriyoni mapfumbamwe nehuwandu hwevanhu vakafa hwadarika zviuru mazana maviri nemakumi matatu (230,000) vavhoti muna Mbudzi vakasarudza VaJoe Biden semutungamiri wavo aitevera.

Vabuda muhofisi, VaTrump vakatarisana nemhosva dzekumatare dzakawanda uye ndivo vaimbove mutungamiri wenyika wekutanga kubatwa nemhosva.

Uye zvakadaro, havana kumbobvira vanyanya kufarirwa.

Kupona kaviri pavakaedza kuurayiwa gore rapera...

Zvakatosimbisa hukama havo nevatsigiri vavo.

Amai Pam Smith, mutsigiri waVaTrump wekuPennsylvania vanoti,

“Mwari vane hurongwa naTrump. Uye akaponeswa zvachose nekuda kwerimwe basa uye chikonzero. Uye ndinovimba kuitira kuti vave mutungamiri wechimakumi mana nenomwe. "

Zvematongerwo enyika muAmerica hazvina kuzombofanana kubva zvakapinda VaDonald Trump mundima.

Uye murume akambonyora bhuku rinonzi "The Art of the Comeback" ari kudzokera pamasimba mushure mekugadzira kumwe kudzoka kwakakurisisa munhoroondo yeAmerica.

Iyo yanga iri nyaya yabva kuna Tina Trinh, mutori wenhau weVOA News, ari kuNew York.