Dare reConCourt Rinoti veHurumende neMakanzuru Havafanire Kupwanya Dzimba dzeVanhu Pasina Mvumo yeMatare

Dare repamusoro soro reConstitutional Court rapa mutongo wekuti zvimwe zvikamu zvemutemo unoona nezvematunhu weRegional, Town, and Country Planning Act zviri kushandiswa kupwanya dzimba dzevanhu pasina kutevedzeta zvinofanire kutanga zvaitwa unotyora bumbiro remitemo.

Hurumende yapihwa gore rekuti ivandudze mutemo uyu sezvo usiri kuenderana nebumbiro remitemo. Kana kanzuru Ichida kuputsa dzimba inofanira kutanga yapihwa mvu,o nematare.

Dare repamusoro soro iri rinoti zvakaturwa nedare repamusoro reHigh Court pakunetsana kweChitungiza Residents Trust nehurumende nemakanzuru muna 2020 ndizvo chaizvo.

Zimbabwe ine nhoroondo yekuputsa dzimba dzevanhu zvikuru mumadhorobha nemumaguta uye izvi zvinogara zvichishorwa neUnited Nations nemasangano anorwira kodzero dzevanhu.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaTinashe Chinopfukutwa veZimbabwe Lawyers for Human Rights varamba kuti mutongo uyu uchapa kuti vanhu vaite madiro aJojina vachivakira dzimba pese pese.

Hurumende yeZimbabwe ine nhoroondo yekuputsa dzimba dzevanhu uye muna 2005, vanhu vanodarika zviuru mazana manomwe vakasara vasina pekugara mushure mekunge vapwanyirwa dzimba nechirongwa chainzi “Operation Murambatsvina”

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTinashe Chinopfukutwa