Zanu PF Yopomera VaBiti naVaKasukuwere Mhosva yeKufurira Varimi veChichena Kupandukira Hurumende
Your browser doesn’t support HTML5
Mutauriri weZanu PF VaChristopher Mutsvangwa vakurudzira varungu vakatorerwa mapurazi kuti vasateerera vanhu vakaita saVaTendai Biti naVaSaviour Kasukuwere avo vavanopomera mhosva yekuda kukurudzira kupandukira hurumende. VaBiti naVaKasukuwere vati manyepo. (Vhidhiyo naTobias Mudzingwa)