Mumwe Mugari wekuNyamapanda Anoti Afadzwa neChirongwa Chekubviswa kweZvimbambaira Munharaunda Yake

Your browser doesn’t support HTML5

Muzvare Patience Muzambidzi vekuNyamapanda kuMashonaland East, vachitaura pamusoro pematambudziko avanosangana nawo nekuda kwezvimbambaira zvichiri munzvimbo yavo. Vanoti vakamboda kugumisa hupenyu hwavo pavakaputikirwa nechimbambaira icho chakavabvisa gumbo rekurudyi. (Vhidhiyo naTobias Mudzingwa)