VaBothwell Takuva Vodzidzisa Vashandi veMakambani emuSouth Africa Mabasa Kuburikidza neKambani Yavo yeShilomahla

  • Jonga Kandemiiri

Shilomahla Business Enterprises

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naVaBothwell Takuva vanobva muWard 29 kwaChivi, mudunhu reMasvingo.

VaTakuva vave kugara muPretoria kuSouth Africa uko vakaenda muna 2005 vachinotsvaga mafuro manyoro.

Vasvikako vanoti vakamboshanda mumakambani ane chitsama vachiita basa ravaiita kumusha rekutengesa kana kuti sales and marketing.

Asi vanoti vakazosiya vachibatana neshamwari yavo inove chizvarwa cheSouth Africa vachitanga kambani yavo yeShilomahla Business Enterprises, iyo inoita zvekudzidzisa vashandi nezvekuchengetedzwa kwemashoko akakosha achiiswa mumakombiyuta, kana kuti data capturing.

VaTakuva vanoti vari kuchengeta huku kumusha kuZimbabwe.

VaTakuva vanoti kumusha vari kumhanyisawo zvirongwa zvakasiyanasiyana zvinosanganisira chekungeta huku, icho vanoti chichabatsirawo kuwanisa vagari vemunharaunda mavo mabasa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBothwell Takuva