Murwiri wekodzero dzevanhu uye ari mutori wenhau, Itai Dzamara, atsakatika muna 2015 mushure mekupambwa nevarume vashanu vanofungidzirwa kuti vaive vasori, asvitsa makore gumi pasina ati abuda pachena kuti ane ruzivo nekwaari kubva zvaapambwa.
Mukucherechedza zuva iri, sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose, reAmnesty International, rakurudzira hurumende yeZimbabwe kuti ibvumidze nechimbichimbi kuferefetwa kwakazvimirira, kuri pajekerere, kunoburitsa kutsakatika kwaDzamara.
Sangano iri ratiwo vane chekuita nekupambwa uye kutsakatika kwake vanofanirwa kutorerwa matanho akaomarara nehurumende.
Gweta raimirira Dzamara uye riri gweta remhuri yake, VaKennedy Masiye, vanoti zvinhu zvanga zvisingafungidzirwi kuti pangapera makore akawanda kudai Dzamara asati azivikanwa kwaari, vachiti zvinhu zvinorwadza chose kumhuri yake.
"And zvinhu zvakare zvinoita kuti tisave nechivimbo muhurumende yemuZimbabwe kuti vari kutadza ku investigator nyaya yaItai Dzamara, uye kutaurira vanhu, ma citizens, kuti VaDzamara chii chakanyanya kuitika kwavari. Izvi zvinoratidza zvakare kuti bumbiro remitemo, kupfurikidza ma rights evanhu, haasi kupurotekitwa nehurumende."
VaMasiye vanoti zvavari kuitawo iye zvino semagweta kungoramba vachitaura nezvenyaya iyi uye kukurudzira hurumende kuti itsvage Dzamara. Asi vanoti chave kunetsa ndechekuti kubva zvapinda hurumende iripo pari zvino mikana ekusununguka kwevanhu munyika iri kuramba ichiita mishoma.
Dzamara, uyo aitungamira sangano rairwira kodzero dzevanhu re Occupy Africa Unity Square, akapambwa musi wa 09 Kurume 2015 mumusha weveruzhinji weGlen View.
Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe kuti mapurisa asvika papi nekutsvaga Dzamara.