United Nations Yozeya Zviri Kuitika muZimbabwe

Hofisi inoona nezvekodzero dzevanhu musangano re United Nations, yakatarisirwa kupa humbowo hwezviri kuitika muZimbabwe neChina, kubazi re Security Council, zvisineyi nekuti mumiriri we South Africa ku UN, aiedza kutsika tsika nyaya iyi.

Mumwe mushandi wemu United Nations audza Studio 7 kuti chinangwa chavo chekuudza Security Council zviri kuitika muZimbabwe, ndechekuti izive chokwadi chezviri kuitika, kuitira kuti pashaye vanozotaura nyaya yeZimbabwe nepamwe, sezvo vakawanda, vari kuda kuziva kana kubatsira pane zviri kuitika munyika.

Assistant Secretary General vanoshandira mu United Nations Office for the Coodination of Humanitarian Affairs, Amai Margareta Wahlstrom, ndivo vakatarisirwa kuparura musangano uyu.

Mutori wenhau we Studio 7,Carole Gombakomba aita hurukuro naVaPhilip Pasirai, vanoongorora nezvekodzero dzevanhu, uye vachishanda ne Crisis in Zimbabwe Coalition, ndokutanga nekuvabvunza kuti misangano yakadai iyi, ichabatsira here pane zviri kuitika muZimbabwe.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...