Zvinhu zvinonzi hazvina kumira zvakanaka mumusha weMbare uko kunonzi vechidiki veZanu PF, avo vanonyanyozivikanwa nezita rekuti "Chipangano", vanonzi vari kuburitsa midziyo yevatsigiri veMDC mudzimba, vachivadzinga vachiti vatsvagirwe kwekugara nebato ravo. Mhuri dzinodarika makumi mana dzinonzi dzaburitsirwa midziyo panze, uye vamwe vanhu vanonzi varohwawo muchiitiko ichi.
Mumusha weKuwadzana, vatsigiri veZanu PF
vanonzi vanga vachifamba mudzimba vachimanikidza vanhu kutsigira bato ravo.
Vachangosarudzwa semumiriri weMbare mudare reparamende, VaPiniel Denga, vaudza
Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mumwe mwana aroverwa pasi nevechidiki veZanu
PF ava mushure mekunge amai vake varamba kubuda mumba mavo.
Zvichakadaro, bato reMDC
rinoti nhengo dzaro dziri kunamira mapepa ekushambadzira mutungamiri wavo,
VaMorgan Tsvangirai, dziri kupambwa uye kushungurudzwa munzvimbo dzakawanda
munyika. Mutauriri webato iri, VaNelson Chamisa, vanoti nzvimbo dziri kunyanya
kuitika izvi dzinoti Chiredzi, Masvingo, Bulawayo, Harare neMashonaland East.
Ukuwo kuManicaland, sabhuku Fibion Musukutwa, avo vari pasi pashe
Mutambara, vanzi vakaparadzirwa musha wavo nemidziyo yakawanda mukupera
kwesvondo. Sabhuku Musukutwa vanozivikanwa nenyaya yekumboripiswa mombe shanu
nashe Mutambara mushure mekunge vapa VaTsvangirai gwayana pamusangano wavakaita
kwaMutare gore ra2006. Pari zvino sabhuku Musukutwa nemhuri yavo vava
muhupoteri.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...