Nhaurirano pakati peMDC neZanu PF dziri kuenderera mberi kuSouth Africa, uko dziri kukokerwa nemutungamiri wenyika iyi, VaThabo Mbeki. Nhaurirano idzi dziri kutarisirwa kuunza runyararo munyika, kubudikidza nekuumbwa kwehurumende ichafanobata matomu, Transitional Authority, kana hurumende yemubatanidzwa, Government of National Unity.
Bato reZanu PF riri
kuti nhaurirano idzi dzinofanirwa kucherechedza kukunda kwaVaMugabe musarudzo
yerunoff, iyo isina kupindwa nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai. Bepanhau
reHerald rinotiwo VaMugabe vari kuda kuitwa mutungamiri wenyika iyi ane masimba,
uye izvi zvikasaitika, havasi kutambira zvinenge zvabuda munhaurirano idzi.
Ukuwo
MDC yaVaTsvangirai iri kudawo kuti nhaurirano idzi dzicherechedze zvakabuda
musarudzo yemusi wa29 Kurume. VaTsvangirai vakakunda VaMugabe musarudzo iyi, asi Zimbabwe Electoral Commission yakati VaTsvangirai havana kukunda zvine mutsindo sezvinodiwa nemutemo, izvo zvakapa kuti paitwe run off election. Vamwe
vari kuti zvikwata zviri muhurukuro idzi, zvine vamwe vanhu vasina kusarudzwa
musarudzo yapfuura, izvo zvinoita kuti vasaita hurukuro idzi vachitarisa zvido
zveveruzhinji, asi kuti kuzvitarisa ivo kuti pane chavanowana here munhaurirano
idzi, vasati vatarisa zvadzichanakira vamwe.
Vasiri mudare reparamende vari munhaurirano idzi, vanosanganirira gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, VaWelshman Ncube, pamwe nemutevedzeri wavo, Amai Priscillah Misihairambwi-Mushonga.
Vakasarudzwa
kupinda mudare reparamende vari munhaurirano idzi, vanosanganisira munyori mukuru muMDC inotungamirwa
naVaTsvangirai, VaTendai Biti, pamwe nemutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma,
uye gurukota rezve vashandi, VaNicholas Goche.
Mukutarisa
zviri kuitika munhaurirano idzi, uye kuti chii chingatarisirwa kubva
mukutaurirana kuri kuitika pakati peZanu PF neMDC, Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata nyanzvi munyaya dzezve matongerwo
enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe,
pamwe na Programmes Officer weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPhilip Pasirayi, avo
vanoti vanobvumirana nepfungwa yekuti paumbwe hurumende inofanobata matomu,
zvinhu zvichigadziriswa.