Kunyange hazvo chibvumirano chakanyoreranwa pasi nemapato matatu ezvematongerwo enyika cheMemorandum of Understanding, chichikurudzira kuti mapato aya akurudzire kumiswa kwemhirizhonga, MDC inoti nhengo dzayo dzichiri kuramba dzichishungurudzwa uye kupondwa.
Ukuwo sangano reEuropean
Union rakurudzirawo kuti hurumende imise mhirizhonga sezvakanyoreranwa
muchibvumirano ichi. Mukuru anoona nezvebudiriro pamwe nekupa rubatsiro mu E-U,
Commissioner Louis Michel, vati vari kurwadzikana zvikuru nemhirizhonga pamwe
nekutyisidzirwa kuri kuitwa vanhu muZimbabwe.
Makanzura
eMDC anonzi akatadza kugadzwa kuGokwe Urban mushure mekunge vatsigiri veZanu PF
vavhiringidza hurongwa uhu. Mune mamwe matunhu akaita seChimanimani, nhengo dzeMDC
dzakanga dzatiza misha yadzo mumhirizhonga, dzinonzi dziri kurambidzwa
kudzokera kumisha iyi nemasabhuku ayo ari kunzi ari kuti anoda tsamba
yekwavakanga vari. Izvi zvinonzi zvaita kuti vanhu ava vadzokere zvakare
kumahofisi ebato iri kwaMutare uko vanga vachigara nguva yose iyi.
Bato reMDC rinoti hapana zvikuru zviri kuratidza kuti bato reZanu PF riri kutora matanho panyaya iyi. Tatadza kubata mutauriri weZanu PF munyaya dzenhaurirano, VaPatrick Chinamasa, sezvo nhare yavo yanga ichingorira isngadairwi.
Vakafanobata chigaro chemutauriri weMDC, VaTapiwa Mashakada, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mapurisa anofanirwa kuita basa ravo kuitira kuti vanhu vatye kuita zvemhirizhonga.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...