Vanorarama neHIV/AIDS Voramba Vachiyaura

Masangano anobatsira vanorarama nehutachiwana hweHIV neAIDS, anoti kunyange hazvo hurumende yakatanga kuvabvumidza kupa rubatsiro kuvanhu vanorwara, zvinhu zvange zvatoipa nechakare.

Mamwe masangano aya anoti chakanetsa ndechekuti nguva zhinji iri kupera vakamirira mvumo inobva kuhurumende yekuti vatange kufamba vachipa rubatsiro.

Vanoti iye zvino chiri kunetsa ndechekuti kana dai vakapa rubatsiro rwemishonga nezvimwe zvakadaro, hapana masangano atanga kupa vanhu rubatsiro rwezvekudya, sezvo hurumende iri kuti masangano aya anofanirwa kutanga anyoresa zvakare mwedzi uno usati wapera.

Mutori wenhau weStudio 7 Carole Gombakomba aita hurukuro naVaJephias Mundondo, executive director veFamily Caring Trust iri maMutare.

VaMundondo vanoti mukufamba kwavari kuita vari kuona kuti dambudziko guru ndere kuti vanhu vane hutachiwana hweHIV/AIDS, havasi kuwana kudya kwakakwana kunovaka miviri yavo, zvingangovabatsira kuti vapore uye nyaya yehurombo ndiyo iyo imwe yanetsa zvikuru.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...