VaMugabe, Mutambara, Tsvangirai Vobvumirana Kuumba Hurumende yeMubatanidzwa

Vatungamiri venyika dzemu SADC, pamwe nezvizvarwa zvemuZimbabwe, vakaungana neMuvhuro muHarare pakunyoreranwa kwechibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa.

Chibvumirano che Global Political Agreement chakasainwa nemutungamiri weZanu-PF, VaRobert Mugabe, pamwe nevatungamiri vezvikwata zviviri zveMDC, VaMorgan Tsvangirai naVaArthur Mutambara.

Mutori wenhau weStudio 7 Irwin Chifera anoti panze peRainbow Towers Hotel pamboita mhirizhonga sezvo vatsigiri veMDC neZanu-PF vange vorwisana, mushure mekutadza kupinda muhotera iyi sezvo yanga yazarisa.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti vane chivimbo chekuti muchato wavo neZanu-PF uchavandudza hupenyu hwevanhu.

Ukuwo Chief Whip veZanu-PF muparamende, VaJoram Gumbo, vaudzawo mutori wenhau Blessing Zulu kuti handichokwadi kuti vemauto havasi kutambira chibvumirano ichi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...