Vanoita mabasa ekutenga zvinhu kunze
kwenyika, vachizozvitengesa muZimbabwe, vanoti kunyange hazvo hurumende
yakatora matanho ekuwedzera mari pamwe nekuisa mutemo wekuti zvinhu zvitengeswe
nemari yekunze, zvinhu zvichakangovaomera chete.
Vanoita mabasa aya vanoti zvinhu zvava kutodhura muZimbabwe
nekuda kwekushandiswa kwemari yeku America, izvo zinoreva kuti veruzhinji
vakatarisana nedambudziko rekutenga zvekudya nezvimwewo.
Carole Gombakomba weStudio7 aita hurukuro naMai Vimbai Zinyama, Techinical Adviser musangano re Chamber of Informal Economy Association, kuti tinzwe mamiriro akaita zvinhu.