Masangano Akazvimirira Oga Anoshora VaMugabe

Masangano akazvimirira anoti haasi kufara nemabatirwo ari kuitwa mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, nehurumende yaVaMugabe. Masangano aya anoti kusapihwa kwaVaTsvangirai gwaro ravo rekufambisa, kana kuti passport, kunoratidza kuti VaMugabe havasi kupinda munhaurirano nemwoyo wese.

National Director ve National Constitutional Assembly, Va Earnest Mudzengi, vayambira kuti masangano akazvimirira oga acharatidzira pamwe nekushorpodza zvikuru vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika, avo vati vari kuramba vachinetsana vachitadza kugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Patience Rusere weStudio 7 aita hurukuro naVaMudzengi kuti tinzwe pamire masangano akazvimirira pane zviri kuitika kuSwaziland.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...