Ongororo yakaitwa nenyanzvi munyaya
dzeHIV/AIDSs inoratidza kuti vanhu vanenge vaonekwa kuti vane hutachiwana
hweHIV, vanofanirwa kukurumidza kutanga kupihwa mushonga wekurwisana neHIV.
Ongororo iyi inoratidza kuti kunononoka
kutanga kupihwa mushonga uyu, kunoita kuti masoja emuviri akundikane kurwisana
nehutachiwana, izvo zvinoita kuti vanhu vakurumidze kurwara.
Director veNational Institutes of
Allergy and Infectious Diseases, Dr Anthony Fauci , avo vakabatsira muongororo
iyi, vanoti ongororo iyi inoita kuti vana chiremba vose vashandure marapiro avo
evanhu vane HIV. Asi hurumende yeZimbabwe haisati yatambira kurudziro iyi, sezvo
ichiti vanhu vane CD4-counts dziri pasi pe mazana maviri chete, ndivo
vanofanirwa kunge vari pamushonga.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi
rehurumende paongororo iyi. Mai Loice Chingandu ndivo Director veSAFAIDS.
Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naMai Chingandu avo vanoti vane utachiwana hweHIV-vose vanofanirwa kuiswa pachirongwa chekuwana ma ARV, zvisinei nekuti hutachiwana hwakaderera sei munyika. Asi Mai Chingandu varatidza kushushikana nekuti hurumende inenge isina hurongwa hwekuita izvi.