Vana chiremba vemuzvipatara zvehurumende vanoti kunyange hazvo chirwere che cholera chiri kupararira zvakanyanya, hurumende hasi kuda kubuda pachena nehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi.
Vamwe vana chiremba vataura neStudio 7 vanoti rimwe
dambudziko riripo, nderekuti ropa revanhu vari kuunzwa kuzvipatara, harisi
kuvenekwa zvakakwana, kuti zvionekwe kuti vane cholera here kana kuti zvimwe
zvirwerwe zvemanyoka.Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vanhu vafa nechirwere ichi vanopfuura mazana maviri.
Vana chiremba ava vanoti nemamiriro akaita zvinhu
munyika panyaya yekushaikwa kwemvura yakachena, zviri kuvaita kuti
vafungidzire kuti dambudziko guru ndere cholera.
Mashoko anoti kuBeitbridge kune vanhu vanosvika mazana mana vakaiswa pavo voga nekuda kwechirwere ichi.
Sangano reCombined Harare Residents
Association, rinoti harisi kufara nenyaya iyi, sezvo nzvimbo dziri muHarare
dzakaita seBudiriro, Chitungwiza, nedzimwe, dziri idzo dzine vanhu vakawanda vari kurwara
kana kufa ne cholera.
Nhengo dzesangano iri dzakaratidzira muHarare neSvondo,
dzichinyunyuta kuhurumende neZinwa, kuti vaone zvavangaite nedambudziko iri.
Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVa Blessing Chebundo mumiriri weKweKwe muparamende, uye vaimbova sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvehutano, avo vanoti bato ravo re MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, riri kushushikanawo zvikuru nedambudziko rechirwere ichi.