Nhengo dzeMDC nhanhatu dzakapambwa mambakwedza eChitatu kwaCharenzva kuHeadlands nevanhu vasingazivikanwi, avo vaive nakanzura weZanu PF. Vanhu ava vanzi vakatorwa nevarume vasere vaive nepfuti, uye vaine motokari inonzi yaishandiswa nemasoja munguva yesarudzo. MDC yati mapurisa ekuHeadlands pamwe nekwaRusape ati haana ruzivo kuti vanhu ava vari kupi.
Mutauriri weMDC muManicaland, uye vachimirira Makoni South
muparamende, VaPishai Muchauraya, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vanofunga kuti kupambwa
kwevanhu ava kune chekuita nemusangano wakaitwa mudunhu iri nemumiriri
weHeadlands muparamende, VaDidymus Mutasa.
Kupambwa
kwenhengo dzeMDC kuManicaland kunoteverawo kupambwa neMuvhuro svondo rino,
kwevanhu vana avo vanosanganisira vashandi veZimbabwe Peace Project vatatu,
vaviri muHarare, uye VaZacharia Nkomo, vakapambwa kuMasvingo. Musi uyu, nhengo
yeMDC, VaGhandi Mudzingwa, vakapambwawo muHarare.
Svondo rapera uri musi
weChitatu, mutungamiri weZPP, Muzvare Jestina Mukoko, vakapambwawo nevanhu
vasingazivikanwe kuti ndivanani, uye hapana anoziva kuti vari kupi.
Kupambwa
kwaMuzvare Mukoko, kunoteverawo kupambwa kwenhengo dzeMDC gumi neina kuBanket
kuMashonaland West. Vanhu vakapambwa kuBanket muna Gumiguru, vanosanganisira
mwana mudiki ane makore maviri.
Zvichakadaro, apo pasi rose neChitatu raicherechedza zuva rekodzero dzevanhu, munyika vanhu vaipukuta misodzi vachitsvaga vanhu vakapambwa ava. Hurumende yaVaMugabe yakangopeta maoko ayo, pasina matanho ayiri kutora.
Tatarisa zvakadzama nyaya dzekupambwa kwevanhu pamwe nekutyorwa kwekodzero dezvanhu muZimbawe apo Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari kuita zvidzidzo zvepamusoro paCambridge University kuBritain, VaDhewa Mavhinga, pamwe naVaFarai Maguwu, Executive Director ve Centre for Research and Development.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...