Nhengo dzeMDC Dzinodarika Gumi Hadzisati Dzawanikwa Kwadziri

Nhengo dzeMDC gumi neimwe dzinonzi dzakapambwa kubva muna Gumiguru kusvika kutanga kwemwedzi uno, hadzisi kuzivikanwa kuti dziripi.

MDC inoti yakatokwidza nyaya yekutsakatika kwenhengo dzayo idzi kumasangano anoti United Nations, African Union pamwe neSADC, kuitira kuti aomesere hurumende pamwe nebato reZanu PF.

Dzimwe nhengo dzeMDC dzakapambwa munguva imwe cheteyo yakapambwa vanhu ava, dzinosanganisirawo mutungamiri weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, dzakatomiswa pamberi pematare edzimhosva dzichipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende yaVaMugabe. Vanhu ava vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa.

Asi vakawanikwa nedare vaine mhosva dzavari kupomerwa, vanotengerwa rufu.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Jonga Kandemiiri kuti kupambwa kwenhengo dzebato ravo kunoratidza kuti hurumende iri kuramba ichityora kodzero dzevanhu, uye mitemo yenyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...