Chirwere cheKorera Chonetsa Munyika

Dzimwe nzvimbo dzekurapira vanhu vane chirwere chekorera, dzinonzi dzazarisa nevanhu vari kuda kurapwa, uye vana chiremba navana mukoti vanonzi vashoma.

Mumwe mudzimai ari kurwara nechirwere ichi, uyo ati anoda kudaidzwa nezita rekuti Mai Nkala, anoti ari kushungurudzwa nemabatirwo ari kuitwa vamwe varwere pa Rimuka Cholera camp kuKadoma.

Nzvimbo iyi inonzi yazarisa nevanhu vari kurwara nechirwere ichi, uye panzvimbo iyi pava kuita tsvina, izvo zvava kutyirwa kuti zvinogona kuvhiringa hupenyu hwevarwere. Sangano reWorld Health Organization rinoti vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika zviuru zviviri nemazana manomwe ane makumi manomwe.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naMai Nkala kuti tinzwe zviri kuitika kuKadoma.

Ukuwo sangano reUNICEF rinoti rapihwa mari inoita mamiriyoni maviri nechidimbu chemadhora ekuAmerica, kana kuti US$2,5m nehurumende yeJapan. Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Slyvia Manika, mari iyi ichashandiswa mukurwisa chirwere chemarariya, uye zvimwe zvirwere zvinovhiringa vana vadiki.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...