VaMugabe Vanogadza Makurukota eHurumende

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vagadza makurukota makumi matatu nemana ayo achange achishanda muhurumende yemubatanidzwa. Makurukota aya abva kumapato matatu anoti Zanu PF, gumi nemanomwe, MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, gumi nemana, uye makurukota matatu ekuchikwata chaVaMutambara.

Pamboita makakatanwa apo Zanu PF yanga yaunza makurukota makumi maviri nemaviri, MDC ikaramba kuti vamwe vashanu ava vagadzwe semakurukota.

Makakatanwa aya atora nguva yakati kuti uye kugadzwa kwemakurukota kwatozotanga mushure mekunge Zanu PF yazobvisa vamwe vanhu vashanu pavanhu vayange yaunza. Vasina kuzogadzwa semakurukota kuZanu-PF asi vange vakakokwa ndaVaDavid Parirenyatwa, VaJohn Nkomo, VaSylvester Nguni, Amai Flora Bhuka naVaPaul Mangwana.

Makurukota abva kuZanu-PF ndevanoti, VaEmmmerson Mnangagwa, avo vachange vachiona nezvekudzivirirwa kwenyika, VaKembo Mohadi, avo vachange vachiona nezvemukati menyika, VaWebster Shamu, avo vachange vachiona nezve kuburitswa kwemashoko, VaSydney Sekeramayi, VaIgnatius Chombo nevamwe.

Kuchikwata chaVaMutambara kwagadzwa VaDavid Coltart segurukota rezvedzidzo, VaWelshman Ncube, gurukota rezvemaindasitiri, pamwe naMai Priscilla Misihairabwi Mushonga, avo vachange vave kuona nezvekudyidzana kwematunhu.

Vagadzwa kubva ku MDC yaVaTsvangirai vanosanganisira VaTendai Biti, gurukota rezvemari, Engineer Elias Mudzuri, gurukota rezvemhando dzemoto, VaNelson Chamisa, gurukota rezvehunyanzvi mukufambiswa kwemashoko, Muzvare Paulina Mpariwa, gurukota rezvevashandi, Amai Theresa Makone, gurukota rezvemabasa emakanzuru, VaSamuel Sipepa Nkomo, Professor Eliphas Mukonoweshure, Professor Heneri Dzinotyiweyi, Advocate Eric Matinenga nevamwe.

Asi gurukuta rezvemukati menyika, VaGiles Mutsekwa, havana kugadzwa sezvo vanga vasipo. VaMutsekwa vachagadzwa kana vadzoka munyika.

Sekutaura kuri kuita mutori wenhau dzeStudio7, Irwin Chifera, mutungamiriri weSouth Africa VaKgalema Motlanthe vati SADC neAfrica Union dzichabatsira Zimbabwe mukugadzisirisa hupfumi hwayo pamwe nematambudziko ayakatarisana nawo.

Zvichakadaro, vakawanda vanoti hapana zvichabuda mudare remakurukota rakagadzwa neChishanu naVaMugabe, sezvo VaMugabe vadzora vanhu vange varipo kare mudare remakurukota. VaMugabe vakamboti makurukota aya akanga asingagoni basa. Mamwe makurukota eZanu PF akambopomerwa mhosva dzekuponda pamwe nekushungurudza nhengo dze MDC munguva yesarudzo gore rapera.

VaPedzisai Ruhanya vaoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye vari kuita zvidzidzo zvepamusoro paMinnessota State University.

VaRuhanya vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti havana kushamiswa nekusungwa kwaVaMugabe sezvo ari mabasa aVaMugabe.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...