Varairidzi Vanotadza Kuwana Mari Dzavo dzeMihoro

Vashandi vakawanda vehurumende vatsamwa zvikuru nekushaya mari dzavo pavaenda kumabhanga avo neChipiri vachida kutora mari dzemihoro.

Varairidzi ndevamwe vevashandi vehurumende vanga vachitarisira kutambira mari itsva dzemihoro dzakaziviswa svondo rapera negurukota rezvemari, VaTendai Biti.

Vachiparura hurongwa hwemashandisirwo emari hwepakati pegore svondo rapera, VaBiti vakazivisa kuti vashandi vehurumende vachatanga kutambira mari dzemihoro mwedzi uno Chikunguru, kwete US$100.00 yavanga vachipiwa yekubatsirikana.

Chiitiko ichi chaita kuti kuitwe musangano wechimbichimbi pakati pevakuru vakuru vehurumende nevatungamiri vesangano revarairidzi reZIMTA.

Munyori mukuru weZIMTA, VaRichard Gundani, vanoti vavimbiswa kuti mari idzi dzichawanikwa mumabhanga neMuvhuro svondo rinouya.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rezvebazi rinoona nezvemari dzevashandi vehurumende.

Zvichakadaro, rimwe sangano revarairidzi rePTUZ, rinoti harina kukokwa kumusangano waitwa masikati uyu.

Nhengo dzePTUZ dzemuHarare dzinonzi dzine hurongwa hwekufora dzichienda kumahofisi emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, kuti vasvitse zvichemo zvavo.

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vanotiwo zvaitika zvekusadaidzwa kumusangano, uye kushaikwa kwemari dzemihoro, hazvifanirwe kunge zvichitarisirwa muhurumende yemubatanidzwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...