Mitemo yeNhau Yoshandiswa Zvine Rusarura Mukati

Masangano akazvimirira ega, pamwe nevanoongorora nyaya dzekuburitswa kwemashoko munyika vari kushoropodza hurumende nekuburitsa kwayakaita pepanhau idzva re Harare Metro svondo rino.

Vanhu ava vanoti makambani eZimindi Publishers, ne Fingaz, ayo anodhinda Zimbabwe Independent ne Financial Gazette, ava nemwedzi inosvika mitanhatu akamirira marezinesi ekutanga mapepanhau emazuva ese, asi hurumende haisati yapa makambani aya rezenisi.

Vachitaura pakuparura kwavakaita Harare Metro, bepanhau rinobuda mazuva ese, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Va Webster Shamu, vakati Zimpapers haitarisirwi kutsvaga rezinesi, nekuti ikambani inobvumidzwa nemutemo kudhinda mapepanhau ayo, izvo zvapa kuti ikwanisa kutanga kudhinda bepanhau iri.

Misa-Zimbabwe nemamwe masangano akazvimirira ega ari kushoropodza maitirwo akaitwa nehurumende pakudhinda bepanhau iri, vachiti izvo zvinoratidza kuti mitemo munyika iri kushandiswa zvakasiyana.

VaPedzisai Ruhanya ndivo vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa zveCrisis in Zimbabwe Coalition. VaRuhanya vanoti kubvumidzwa kwaitwa Zimpapers kudhinda bepanhau iri, kunoreva here kuti makambani akaita seFingaz ne Zimindi Publishers, anokwanisawo here kudhinda mapepanhau awo asina kupihwa rezenisi sezvo aine rezenisi kare.



Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...