Chikwata cheBangladesh Chinokunda Zimbabwe Cricket

Zimbabwe Cricket yakundwa nechikwata cheBangladesh nemawiketsi matanhatu pamutambo wechina we One Day Internationals watambirwa muguta reChittagong neChipiri masikati.

Izvi zvinoreva kuti Zimbabwe yakundwa 3-1 pamakwikwi aya, kunyange hazvo pachine mutambo mumwe chete wasara.

Chikwata cheZimbabwe chaita 44 runs chikakundwa neBangladesh, iyo yaita 49 runs.

Maneja wechikwata cheZimbabwe Cricket , Va Anesu Kafesu, vanoti kunyange hazvo Zimbabwe Cricket yakundwa, chikwata ichi chatamba zvinonwisa mvura.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…