Zimbabwe Cricket Under 19 Yonanga kuBangladesh

Chikwata cheZimbabwe Cricket Under 19 chiri kuenda kuBangladesh neMugovera, uko chichanotamba mitambo yekuedzana simba nevechidiki vemunyika iyi.

Izvi zviri kushandiswa senzira yekugadzirira makwikwi e Under 19 2010 Cricket World Cup. Zimbabwe Cricket Under 19 iri kutarisirwa kudzidza zvakawanda kubva pamitambo yechikwata chikuru che Zimbabwe Cricket neBangladesh, kunyange hazvo Zimbabwe yakakundwa 4-1 pamakwikwi aya.

VaNick Singo ndivo maneja wezvirongwa zvebudiriro muZimbabwe Cricket. VaSingo vanoti chikwata chekiriketi chiri kuenda kuBangladesh, chichadzidza zvakawanda pamitambo yacho yekuedzana simba.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…