Makwikwi eBasketball Africa League ari kuitirwa kuRwanda, asvika muma semi-finals nhasi zvikwata zvina zvichakweshana kutsvaga zvikwata zviviri zvichapinda muma finals mangwana muKigali.
Chikwata chePetro de Luanda cheku Angola chichakweshana nechikwata cheZamalek cheku Egypt.
Chikwata chichakunda pazviviri izvi chinopinda muma finals.
Chekwata che Patriots BBC chemuRwanda chiri kukweshana nechikwata che U.S. Monastir cheku Tunisia.
Mutungamiri wesangano reBasketball Union Of Zimbabwe, VaJoe Mujuru, vanoti vari kufara nematambiro ari kuita zvikwata zviri kumakwikwi aya, uye Zimbabwe iri kudzidza zvakawanda.
"Kunyangwe zvazvo Zimbabwe isina kubudirira kuenda kumakwikwi aya tiri kudzidza zvakawanda uye tinoshuwira kuti munguva inotevera makwikwi aya achatambwawo nemadzimai kuitira kuti vawane hunyanzvi hurukuwana vatambi vechirume vemuAfrica," Va Mujuru vadaro.
Your browser doesn’t support HTML5