Bato rinotungamirwa naDoctor Thokozani Khupe reMDC-T radoma Muzvinafundo Lovemore Madhuku kuti vave gweta ravo panyaya yavari kunetsana neMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa yehutungamiri hwebato reMDC.
VaMadhuku vati chavari kuda kutanga kuita ihurukuro nechikwata chaVaChamisa.
Your browser doesn’t support HTML5
Dare repamusoro rakatara svondo rapera kuti VaChamisa havana kusarudzwa zviri pamutemo asi magweta avo anoti VaChamisa vanokwanisa kupikisa mutongo uyu mudare repamusoro soro reSupreme Court.
Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, tabatawo mutauriri weMDC VaJacob Mafume avo vati zviri kuitwa naMuzvare Khupe nevamwe vavo kupedzera hoko padehwe retsindi. Vati havasi kuzopedza nguva vachitaura nechikwata chaAmai Khupe ichi.
Your browser doesn’t support HTML5