Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Charles Ray, vanoti nyika yavo inoda kuti Zimbabwe ive nyika inozvimirira yega munyaya dzehupfumi kwete kungoramba ichipihwa rubatsiro nedzimwe nyika.
Vachitaura nevapepeti venhau muHarare neChitatu, Ambassador Ray vati America inoda chose kupa Zimbabwe rubatsiro rwekuti izvisimudzire uye kuti ikwanise kuzviriritira.
Nekuda kwaizvovzo, vati America iri kupa Zimbabwe mari yakawanda yekusimudzira mabasa ekurima pamwe nekusimudzira makambani kuti hupfumi hwenyika hubudirire.
Vati kudyidzana kweAmerica neZimbabwe munyaya dzehupfumi kwakakwirira nezvikamu makumi mashanu kubva muzana mukati memwedzi mitanhatu yekutanga kwegore rino.
Vatiwo kunyange hazvo pachine kutaudzana pakati penyika yavo nevamwe vatungumiriri muhurumende yeZimbabwe, hukama pakati penyika mbiri idzi hwave nani mazuva ano.
Ambassador Ray vati America ichawedzera rubatsiro rwayo kuZimbabwe kana chibvumirano cheGlobal Political Agreement, kana kuti GPA chazadzikiswa.
Panyaya yezvirango zvehupfumi zvakatemerwa Zimbabwe, VaRay vati zviri kuongororwa asi vaenderera mberi vachiti chingabatsire kuzvibvisa kuzadzisa chibvumirano cheGPA, kuremekedza kodzero dzevanhu, pamwe nekuti munyika muve nehutongi hwejekerere.
Panyaya yechisungo cheSADC chekuti Zimbabwe iite sarudzo gore rinouya, VaRay vati vanhu vemuZimbabe ndivo vanofanira kutaura nguva yavanoda kuita sarudzo, sezvo vari ivo vachavhota musarudzo idzi.
Asi vati kuti sarudzo dziitwe zvakajeka, nyaya yemhirizhonga inofanira kugadziriswa, vanhu vanofanira kupuhwa mukana wekuverenga nekuteerera nhepfenyuro dzavanoda, uye vanhu vese vanokodzera kuvhota, vanofanira kupihwa mukana wekuvhota musarudzo idzi.
Gore rapera, America yakapa Zimbabwe rubatsiro rwemari inoita mamiriyoni mazana matatu negumi emadhora eku America. America iri kupa Zimbabwe rubatsiro zvikuru munyaya dzehutano, chikafu, dzidzo nezvimwe zvakasiyayana siyana.