Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vanoti pane hurukuro dziri kuitwa dzekuti mauto eAmerica arambe ari muAfghanistan kupfuura zuva rakanga ratarwa.
Mauto eAmerica ose anofanirwa kubuda munyika iyi nemusi wa 31 Nyamavhuvhu asi VaBiden vanoti pari kuitwa hurukuro dzekuti mauto aya amboramba ari munyika iyi kuti abatsire mukuburitswa kwezvizvarwa zveAmerica nezvimwe zvenyika iyi zvinoda kuenda muhupoteri.
VaBiden vanotivo kana paine chizvarwa cheAmerica chichiri muAfghanistan, mauto eAmerica acharamba ari munyika iyi kusvika zvizvarwa zveAmerica zvose zvabuditswa.
Vativo zvizvarwa zveAfghanistan zviri kuendeswa kumabhesi emauto eAmerica zvichatanga zvaferefetwa zvakasimba zvisati zvabvumidzwa kuva vapoteri muAmerica.
Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachiita dzidzo dzepamusoro paHoward University, muWashington D.C., VaCalvin Manduna, vanoti nyaya iyi haina kubatwa zvakanaka, izvo zvavakukonzera kuti vanhu vatange kushora VaBiden vanga vachimborumbidzwa kubva zvavakatora mhiko yekutungamiri America.
Your browser doesn’t support HTML5