Derek Chauvin Anowakikwa Aine Mhosva yeKuuraya VaGeorge Floyd

Derek Chauvin achisungwa kuti aendeswe kujeri mushure mekuwanikwa aine mhosva yekuuraya George Floyd

Aimbove mnupurisa wechichenamudunhu reMinnesota, muAmeria, Derek Chauvin, akawanikwa aine mhosva yekuuraya VaGeorge Floyd gore rapera, 2020.

Chauvin, uyo akadzingwa basa gore rapera, akange ari mupurisa paakauraya VaFloyd, murume wechitema, nekumutsimbirira pamutsipa wake nebvi rake kusvika afa zvikakonzera mhirizhonga muAmerica nemudzimwe nyika.

Nezuro dare redzimhosva rakawana Chauvin aine mhosva nhatu dzekuuraya VaFloyd.

Pakaziviswa kuti Chauvin akange awanikwa aine mhosva ye kuuraya Va Floyd, mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakafonera mhuri yaVaFloyd vachiti vanotambira zvakabuda mudare redzimhosva nekuti zvinoratidza kuti mitemo ye nyika inoshanda.

Asi VaBiden vakazoudza vatori venhau kuti pane zvizhinji zvinofanirwa kuitwa mukupedza rusarura ganda muAmerica, vachiti zvabuda mudare redzimhosva izvi hazvina kukwana naizvozvo nyika inofanirwa kuenderera mberi mukurwisana ne zverusarura ganda.

Your browser doesn’t support HTML5

Biden Post Chauvin Conviction

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, vachishanda mudunhu reTexas, VaKennedy Masiye, vaudza Studio 7 kuti zvakaitika kuna Chauvin zvinoratidza kuti mitemo ye muAmerica inoshanda.

Vati kune dzimwe nyika, mapurisa haapomerwi mhosva kunyange vakapara mhosva.

VaMasiye vati kufona kwaitwa naVaBiden kumhuri yaVaFloyd chiratidzo chekuti mutungamiri wenyika anonzwisisa zvinorwadza vanhu.

Vati VaBiden havana kuita izvi kuti vaonererwe sezvo vakagara vachikurudzira kupedzwa kwerusarura ganda kwemakore mazhinji.

VaMasiye vatiwo kutongwa kwaChauvin kwakafambiswa zvakanaka, vachiti, sagweta, vanogutsikana nekutevedzwa kwakaitwa mutemo nemativi ose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKennedy Masiye