VaDonald Trump Vanorambidzwa Zvekare Kushandisa Facebook

VaDonald Trump.

Bhodhi rinoona mafambisirwo anoitwa basa nekambani ye Facebook nezuro, Chitatu, rakabvumirana kuti vaimbove mutungamiri we America, VaDonald Trump, vasabvumirwa kushandisa ‘social media’ ye Facebook kweimwe mwedzi mitanhatu.

VaTrump vakavharirwa mukana wavo wekushandisa Facebook yavo zvichitevera mhirizhonga yakaitwa nevatsigiri vavo padare reparamende ye America, Capitol Hill, musi wa 6 Ndira 2021, pakafa vanhu vatanhatu.

Facebook nemamwe makambani e‘social media’ akashorwa zvikuru zvichinzi akange achibatsira VaTrump mukupesvedzera mhirizhonga iyi uye mukushambadza mashoko emanyepo pamusoro pezvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi 2020.

Zvichitevera mashoko abudiswa nebhodhi reFacebook ekuti VaTrump vasabvumidzwa kushandisa Facebook, VaTrump vashora makambani e’social media’, anosanganisira Twitter, Instagram neGoogle, vachiti makambani aya azere huori uye anombunyikidza kodzero dzevanhu, achirambidza vanhu kutaura zvavanoda vakasununguka, izvo vati zvinotyora kodzero dzevanhu.

VaTrump vati makambani aya ari kutyityidzirwa nevatsigiri vebato re Democtratic Party.

Vanodzidzisa zvekutapa nhau paUniversity of Indiana, mudunhu re Pennsylvania, Muzvinafundo Stan Mukasa, vanoti VaTrump vanogona kutukirira havo makambani akaita seFacebook sezvavari kuita asi hazvina zvazvinobatsira.

Vanoti chinhu chakonzera kuti VaTrump varambidzwe kushandisa Facebook zvekare ndechekuti vari kuramba vachiita zvinhu zvakakonzera kuti vabviswe paFacebook pacho.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Stan Mukasa