Bazi rehurumende ye America rinoona nezvekudya nemishonga, reFood And Drug Administration, rapa mvumo yekuti mishonga yechirwere chinobata pfungwa dzevamwe vanhu vanenge vave kuchembera chichikonzera kuti vakanganwe kana kusaziva zviri kuitika kwavari, kana kuti Alzheimer’s, ushandiswe.
Mushonga uyu ndewe kutanga mumakore makumi maviri uchitsvakwa.
Asi kubvumidzwa kwawo kuti ushandiswe kuri kukonzera mutauro, sezvo dzimwe nyanzi mune zvehutano dzichiti hapana humbowo hwakakwana hunoratidza kuti mushonga uyu unobatsira.
Kambani inogadzira mushonga uyu, inonzi Biogen, yakazivisa nemuvhuro wapfuura kuti mushonga uyu, uyo unotengeswa pasi pezita rekuti ‘Aduhelm’, uchange uchipiwa murwere sejekiseni kamwe chete pamwedzi kuti unonose kukanganwa kwepfungwa dze vamwe vave kuchembera.
Biogen inoti mushonga uyu unenge uchitengeswa nemari inoita zviuru makumi mashanu nezvitanhatu emadhora ($56,000) pagore.
Nyanzvi mune zvehutano, Doctor Frenk Guni, vaudza Studio 7 kuti mushonga uyu haurapi chirwere ichi asi unotarisirwa kunonotsa kukanganwa kunoita pfungwa apo munhu ave kuchembera.