Bazi rinoona nezvehutano muAmerica, reCenter for Desease Control and Prevention (CDC) rinoti America yava nevanhu vaviri vane hutachiwana hweCovid-19 hwemhando yeOmicron.
CDC inoti yakazivisa nemusi weChipiri kuti America yakawana munhu wekutanga mudunhu reCalifornia aine Omicron.
Murume uyu, uyo asina kudomwa nezita, anonzi akadzoka kubva kuSouth Africa svondo rapera kwaakange aenda kunoshanya.
Nemusi weChina, bazi rinoona nezvehutano mudunhu reMinnesota rakazivisa kuti rakawana hutachiwana hweOmicron mune mumwe murume akange ambonoshanya kudunhu reNew York.
Izvi zvaitika pasina kupera svondo South Africa yazivisa kuti yawana imwe mhando yeCovid-19, yakazopiwa zita rekuti Omicron.
Chipangamazano chemutungamiri weAmerica munyaya dzezvehutano, Dr Anthony Fauci, vakaudza vatori venhau kuti varume ava vakanga vakabayiwa nhomba dzavo dzose.
VaFauci vanoti murume wekuCalifornia anonzi akadzoka kubva kuSouth Africa musi wa 22 Mbudzi akazowanikwa aine hutachiwana uhu musi wa 29 Mbudzi, vachiti vezvehutano mudunhu reCalifornia vari kutsvaka vanhu vose vakambosangana nemurume uyu kuti vavhenekwe kana vakatapurirwa hutachiwana uhu.
Hurumende yaVaJoe Biden iri kukurudzira vose vanokodzera kubayiwa nhomba, pamwe chete neavo vanobvumidzwa kubayiwa nhomba yechitatu, kuti vabayiwe nhomba idzi.
Vanhu nanopfuura zviuru zvinomwe zvine makumi masere nezvitanhatu (786,000) vakafa nedenda reCovid-19 muAmerica, kusanganisira zviuru makumi matatu nezvinomwe (37,000) vakafa mumwedzi waMbudzi woga.
Bazi rinoona nezvehutano pasi pose, reWorld Health Organisation, rakazivisa nemusi weChitatu kuti Omicron yava kuwanikwa munyika makumi maviri neshanu.
Nyanzvi mune zvehutano, Doctor Frenk Guni, vanoti pari zvino, nhomba dziri kubayiwa vanhu dzinogona kuvadzivirira kubva kumhando yeOmicron.
Your browser doesn’t support HTML5