Amai Janet Yellen Vanoitwa Gurukota Rinobata Nyaya dzeMari

Amai Janet Yellen

Dare reSenate remuAmerica rakavhota neMuvhuro manheru kuti Amai Janet Yellen vave gurukota rinoona nezvemari, kana kuti Treasury Secretary.

Amai Yellen ndivo mumhukadzi wekutanga kubata chinzvimbo ichi mu America.

Kubva muna 2014 kusvika muna 2018, Amai Yellen vakange vari sachigaro veFederal Reserve. Vakambotungamirawo kanzuru yezvipangamazano munyaya dzezvehupfumi, kana kuti Council of Economic Advisers, mazuva VaBill Clinton vari mutungamiri weAmerica.

NeMuvhuro wekare, mutungamiri we America, VaJoe Biden, vakasaina gwaro rinodzika mitemo yakasimba mukutengwa kwe zvinhu zvinoshandiswa nehurumende, vachiti hurumende yavo inofanirwa kungotenga zvinhu zvainoshandisa zviri zvakagadzirwa muAmerica.

VaBiden vanoti vanoda kubatsira mukusimbaradza makambani nemabhizimisi emu America anogadzira zvinhu zvakasiyanasiyana.

Vakuru vezvehutano mudunhu reAmerica re Minnesota vakazivisa kuti vakawana munhu ane hutachiwana hwe ‘coronavirus’ yemhando yeku Brazil.

Uyu ndiye munhu wekutanga mu America awanikwa aine mhando iyi yeCovid-19.

Izvi zvinouya musi wataurwawo nekambani inogadzira mushonga wenhomba yeCovid-19, yeModerna, ichiti mushonga wayo wenhomba unokwanisa kudzikisa simba remhando inowanikwa ku Britain neyeku South Africa.

Nyanzvi mune zvehutano, Dr Simbiso Ranga, vaudza Studio7 kuti mashoko abva ku Moderna mashoko anokosha zvikuru, vachiti izvi zvichabatsira mukutsvakwa kwemushonga wakasimba unogona kurapa chirwere cheCovid-19.

Dr Ranga vanoti aya mashoko anopa tarisiro yakanaka kunyika dzose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Simbiso Ranga